Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanochema Kushaya kwaVaMandela


VaNelson Mandela
VaNelson Mandela
Vanhu vemuZimbabwe vari South Africa vabatana nenyika iyi mukuchema kushaya kwevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela, avo vakashaya neChina manheru.

VaMandela vakashaya vari pamba pavo muJohannesburg, vakaunganirwa nehama neshamwari dzavo.

VaMandela, avo vakava munhu mutema wekutanga kutungamira South Africa muna 1994, vakashaya mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere chemapapu.

Vachitaurira kunyika yese ye South Africa panhepfenyuro, mutungamiri we South Africa, VaJacob Zuma, vakati VaNelson Mandela nyika yavo nepasi rose rakanga rarasikirwa nemunhu akaita zvakawanda mukuratidza hunhu hwakadzama.

South Africa yatara mazuva gumi ekuchema gamba renyika iyi. Mutumbi waVaMandela uri kuonekwa neveruzhinji kumahofisi ehurumende kuPretoria kubva musi weChitatu kusvikira musi weChishanu.

Vatungamiri venyika dzakawanda vari kutarisirwa kuungana muPretoria neChipiri, apo vachange vachirangarira mufi.

VaMandela vachanoradzikwa kumusha kwavo kuQunu nemusi weSvondo, 15 Zvita 2013.

VaZuma vakakurudzira nyika yese yeSouth Africa kuti ibatane pakuchema VaMandela, avo vakagara mujeri kwemakore makumi maviri nemanomwe.

Mutori wenhau, Stanley Karombo, anoti kushanda kwakaita VaMandela mukukusunungura South Africa, kunofadza munhu wese pasi rose.

Mazana enhengo dzebato riri kutonga muSouth Africa, reANC, vaendawo kumba kwaVaMandela kuJohannesburg, vakaimba nekudzana vachicherechedza mabasa makuru akaitwa naVaMandela.

VaMandela vasiya mudzimai, Graca Machel, vana nevazukuru.

Nyaya Ina Benedict Nhlapho
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG