Accessibility links

Breaking News

Mamwe maSenator Obatana naVaTrump Kuramba Kutambira Zvakabuda Musarudzo


VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Nhengo dzedare reSenate muAmerica kubva kubato remaRepublicans dzinoti dziri kuzobatana nemutungamiri wenyika VaDonald Trump mukuyedza kuramba kutambira zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika idzo dzinofanira kutambirwa zviri pamutemo nedare reHouse of Representatives neSenate musi wa 6 Ndira.

VaTrump vakakundwa musarudzo idzi naVaJoe Biden vebato remaDemocrats avo vari kutarisirwa kutora mhiko musi wa 20 Ndira.

Senator Ted Cruz vekuTexas nevamwe gumi nemumwe vanoti vachabata nedzimwe nhengo dzedare rehouse of Representatives kuramba kutambira sarudzo dzemusi wa 3 Mbudzi dzavari kuti dzakabirirwa kunyangwe vakundikana kuunza humbowo kudare.

Nhengo dzedare reSenate idzi dzinoti dziri kuziva hadzo kuti hadzikwanise kuvandudza zvakabuda musarudzo uye kumisa VaBiden kuti vasatore mhiko. VaCruz naSenator Josh Hawley vekuMissouri vanonzi vari kuda kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2024.

Vanotungamira bato remaRepublicans VaMitch McConnell vainge vakurudzira kuti nhengo dzavo dzemaRepublicans dzitambire zvakabuda musarudzo. Vakatsigirwa nemamwe maRepublicans anoti Senator Lisa Murkowski vekuAlaska naSenator Pat Toomey veku Pennsylvania.

VaCruz nevamwe vavo vanoti vari kuda kuti paumbwe komisheni inoongorora zvakabuda musarudzo asi uku kunonzi kungotambisa nuva. VaTrump ndiye mutungamiri wekutanga mukati memakore makumi matatu kutadza kukunda musarudzo kuti vatonge kwetemu yechipiri.

VaTrump vaendesawo kumatare nyaya dzinodarika makumi mashanu asi matare akarakaramba kutambira zvikumbiro zvavo nekushaya humbowo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG