Accessibility links

Breaking News

Mamwe Makambani Otadza Kuvhura Gore Rino


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, inoti haione mamwe makambani achivhura kana kupedza gore rino achishanda sezvo hupfumi hwenyika hwaramba hwakaita mhidigari.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vemakambani havana magetsi, mvura, mari yekunze nezvimwe zvinodiwa kuti vagadzire zvinhu.

Mashoko aya ari kuuya kunyange hazvo gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati hupfumi huchakwira nezvikamu zvitatu kubva muzana gore rino.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinhu zvichatonyanya kuoma mugore rino kana pasina kugadziriswa nyaya yekushomeka kwemagetsi, mvura uye mitemo iri kuramba ichivandudzwa nehurumende.

Pakapasiswa bhajeti nematare anoti reHouse of Assembly neSenate, Muzvinfundo Ncube vakati izvi zvainge zvavapa mukana wekuti varonge tsoro yavo yekugadzirisa hupfumi gore rino.

Asi vaimbove gurukota rezvehupfumi vari mutevedzeri wemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaTendai Biti, vanoti muromo hauzarirwe nerwizi.

VaMoyo vanotiwo kushaikwa kwemichina yechizvino zvino kuri kupa kuti zvinhu zvisamire zvakanaka.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ, Dr Israel Murefu, vanoti pane zvakawanda zviri kuda kuti zvigadziriswe muna 2020.

Vatiwo nyaya yenhaurirano pakati pevashandi nevashandirwi yakakosha zvikuru.

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vakagadzirira kuita nhaurirano nevashandi nevashandirwi.

Kusagadzikana kwezvinhu muma industry kuri kupa kuti zvinhu zvidhure uye vanhu vashayewo mabasa.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats inoti mhuri ine vanhu vashanu yave kuda mari inosvika zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi masere pamwedzi kuti vatenge zvekudya nezvimwe.

Izvi zvinoreva kuti muna Mbudzi, zvekudya zvainge zvakwira nezvikamu gumi nezvishanu nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 15,7%.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG