Accessibility links

Breaking News

Mamwe Makambani Achiri Kutatarika Kuzadzikisa Zvinodiwa Kudzivirira Vashandi Kubva kuCoronavirus


Kutanga nemusi weMuvhuro hurumende yakati mamwe mabhizimisi makuru atange kushanda pasi pechikamu chechipiri kana kuti Level Two chekuti nyika itanga kuita mabasa semazuva ose panopera hukasha hwechirwere checoronavirus.

Kunyangwe izvi zvakatambirwa nemufaro nevamwe, vamwe vanoti hurumende yakakurumidza kumedza kutsenga ichada sezvo pange pasina gadziriro yakakwana sezvinokurudzirwa nebazi reUnited Nations rinoona nezvehutano, reWorld Health Organization.

Sangano iri rinoti panoda kuti patange kudzika huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi munyika uye kuve nenzvimbo dzakakwana dzekurapira chirwere ichi.

Asi hurumende yeZimbabwe iri kutatarika kuita izvi.

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti hurumende, vashandi nevashandirwi vari kufamba vachitarisa mamiriro akaita zvinhu munyika kune makambani akavhurwa.

Vanoti kambani yeUnki kuMidlands iri kutora matanho akanaka kudzivirira vashandi mukutapurirwa hutachiona hwe coronavirus.

Asi hapana hapo mutunhu usina datya sematauriro aVaMoyo vanoti imwe kambani inochengeta huku muGweru haisi kutevedza zviri kukurudzirwa nevezvehutano.

Hurumende yakange yamboti vashandi vose vavhenekwe coronavirus, hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19 vasati vadzokera kumabasa uye kuti vaonekwe kuti vari kudziya muviri here vasati vatanga basa mazuva ose.

Asi izvi zvinenge zviri kunetsa kuzadzikisa zvakapa kuti gurukota rezvemaindasitiri rirerutse zvinhu.

Mutungamiri wesangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vanoti vakatokumbira kuita musangano nehurumende wekuzeya matambudziko avari kusangana navo.

Gurukota rezvevashandi, Va Paul Mavima, vanoti hapana chakaipa kuti vataurirane.

Hurongwa hwekuti vanhu vagare mudzimba hwakatanga musi wa30 Kurume senzira yekuyedza kudzivirira kupararira kwehutachiona hwecoronavirus, uye nemusi weSvondo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kuzivisa nyika kuti vachawedzera mazuva here kana kuti kwete.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG