Accessibility links

Breaking News

Mameya neMakanzura eMDC Alliance muHarare, Gwanda neBeitbridge Odzingwa neMDC T


Chamisa Khupe

Bato reMDC T rinotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe neMuvhuro rakadzinga basa makanzura gumi nemumwe eMDC Alliance muHarare uye mamwe mameya kune mamwe madhorobha.

KuGwanda bato iri radzingawo meya wedhorobha iri VaJastone Mazhale. Meya weguta reBeitbridge VaMorgan Ncube vadzingwawo basa mushure mekuramba kubatana naMuzvare Khupe.

Mutauriri webato reMDC-T VaKhalipani Phugeni vaudza Studio 7 kuti makanzura nemameya aya azvidzinga mubato nekuramba kwavo kudyidzana naMuzvare Khupe.

Hurukuro naVaKhalipani Phugeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato reMDC-T iri rakanyora tsamba kugurukota rezvematunhu VaJuly Moyo richiti vainge vadzinga makanzura emuHarare anoti VaEnoch Mupamawonde ward 35, Va Lovemore Makuwerere (Ward 24), VaGilbert Hadebe (Ward 39), VaMunyaradzi Kufahakutizwi (Ward 19), VaSimon Mapanzure (Ward 34), VaCharles Chidhagu (Ward 30), VaKeith Charumbira (Ward 8), VaSteven Dhliwayo (Ward 40), VaBarnabas Ndira (Ward 21), VaChihoma Runyowa (Ward 29) uye VaCharles Nyatsuro (Ward 6).

Kanzuru yeHarare yasarirwa nemakanzura makumi maviri nevanomwe uye inoda makanzura gumi nevanomwe kuti irambe ichishanda zvakanaka.

Meya weguta reHarare vari kuMDC Alliance VaJacob Mafume vanoti zviri kuitwa naMuzvare Khupe ndezvemugotsi matsuro uye hazvisi kuzovakanganisa kuita basa ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG