Accessibility links

Breaking News

Kuchecheudzwa kweVanhurume Kodzikira


Bazi rezveutano pamwe nemamwe masangano ari kurwisana neHIV/AIDS muZimbabwe anoti chirongwa chekuchecheudzwa kwevanhurume hachisi kutambirwa zvakanyanya nevanhurume.

Mukuru wezvirongwa zveHIV/AIDS and Tuberculosis Unit mubazi rezveutano, Dr Owen Mugurungi, vanoti hurumende haisi kufara nekusatambirwa kwechirongwa ichi nevanhurume vakawanda munyika.

Dr Mugurungi vanoti hurumende, ichishanda nemamwe masangano akazvimirira pachirongwa ichi, yaifunga kuti chirongwa ichi chichatambirwa zvikuru.

Mukuru wesangano reUnited Nations Joint Program on HIV/AIDS muZimbabwe, kana kuti UNAIDS, Muzvare Tatiana Shomiliana, vanotiwo sangano ravo riri kunetsekana nekusatambirwa kwechirongwa ichi.

Muzvare Shomiliana vanoti mari zhinji dzakange dzawanikwa kuita chirongwa idzi dzakangogara sezvo chirongwa ichi chisiri kufamba nenzira yanga yakatarisirwa.

Muzvare Shomiliana vanoti ongororo dzakaitwa dziri kuratidza kuti dzimwe nguva chirongwa ichi hachisi kutambirika nenyaya yekuti pamwe hachisi kushambadzwa nenzira dzinokwezva vanhurume kuti vaende kunochecheudzwa.

Mukuru weUNAIDS uyu anoti zvekare zvakaonekwa kuti vanhurume vati kureyi ndivo vazhinji vevasiri kutambira chirongwa chekuchecheudzwa ichi.

Muzvare Shomiliana vanoti zvirongwa zvekushambadza chirongwa ichi zvinofanirwa kuongorora zvine udzamu kuitira kuti pawanikwe nzira dzinotambirwa nevanhurume kuti vapinde muzvirongwa zvekuchecheudzwa.

Dr Mugurungi vanokurudzira vanhurume kutambira chirongwa ichi senzira yekuzvidzvirira mukutapurirwa hutachiona hweHIV. Dr Mugurungi vanoti zvakakosha kuti munhu wese muZimbabwe abatsire mukukurudzira kutambirwa kwechirongwa ichi.

Asi kunyange hazvo chirongwa chekuchecheudzwa ichi chiri kukurudzirwa, zviripo zvinoratidza kuti zvirongwa zvekushambadza nyaya iyi zvinofanirwa kuve zvakasimba chaizvo kuitira kuti zvichinje pfungwa dzevanhurume muZimbabwe.

Mumwe murume asina kuda kudomwa nezita, anoti anoona chirongwa ichi senzira yekushandiswa kwevanhu vatema mukuongorora mashindiro ekuchecheudzwa, nokudaro haana kupinda mazviri.

Mumwewo murume, VaWellington Mberi, vanoti havadi kuchecheudzwa nenyaya yekuti vanoona chirongwa ichi chichifurira vanhu kuita zvinhu zvinozovasiya panjodzi yeHIV/AIDS.

Asi havasi vose vanoona chirongwa ichi sechisina maturo. Chimwewo chizvarwa chemuZimbabwe, VaMoses Mutema, vanotiwo vakatambira chirongwa ichi nemaoko maviri.

Gore rapera hurumende yaive nechinangwa chekuchecheudza vanhurume vanosvika zana rezviuru, asi izvi kubudirira, sezvo vanhu vanodarika zviuru makumi matatu chete, vanosanganisira dzimwe nhengo dzeparamende, vakapinda muchirongwa ichi.

Hurumende inoti inoda kuti varume mamiriyoni matatu vange vachecheudzwa muna 2015.

Kuchecheudzwa kwevanhurume kuri kukurudzirwa munyika dzakasiyana siyana nesangano reWorld Health Organisation kuchinzi kunoderedza kutapurirwa kweHIV muvanhurume nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana.
XS
SM
MD
LG