Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eWorld Cup Otanga muRussia Nhasi


Manyuku nyuku asimuka muZimbabwe kwasara chinguvana kuti makundano e2018 World Cup asimuke muRussia masikati anhasi. Russia iri kutamba neSaudi Arabia mumutambo wekuparura makwikwi aya.

Kunyanga hazvo Zimbabwe isiko kumakundano aya, manyuku nyuku ekutanga kwe 2018 World Cup arikunzwikwa kutinhira munyika, veruzhinji vaine tarisiro dzakasiyana siyana.

Neymar
Neymar

Makwikwi aya ari kusimuka anhasi masikati muLuzhniki Stadium nemutambo pakati peRussia neSaudi Arabia, vamwe vachitarisira kuita mari zhinji nekubheja mitambo yeWorld Cup iyi sava Shepherd Saizi.

Vamwewo ndivo varikutarisira kuita mari nekushandisa nzvimbo dzavo kutengesa zvinwiwa nezvimwe zvakadaro kune avo vachauya kuzoona mitambo patelevhizheni munzvimbo dzavo dzekutandarira.

Vamwewo ndivo vasina zvakawanda zvavarikutarisira kunze kwekukuzirira zvikwata zvavo izvo vakapedzisira kuona zvichitamba mumakundano aya makore mana apfuura.

Nevarairidzi nevatambi venhabvu vezvikwata zvakasiyana siyana, zvepasi nezvepamusoro varikutarisirawo World Cup zvakanyaya.

Murairidzi weFC Platinum ariiye zvekare ane mukombe weZimbabwe Coach of the Year, Norman Mapeza anetarisiro yekuti chikwata cheNigeria chichasimudza mureza weAfrica mudenga nemhaka yevatambi vavo avo anoti vanotambira zvikwata zvine mukurumbira kuSpain nekuEngland.

John Obi Mikel-Nigeria
John Obi Mikel-Nigeria

Makundano aya arikutarisirwa zvekare kupedza gakava rekuti ari pamberi ndiani Christiano Ronald wePortugal kana Lionel Messi uyo anotambira Argentina.

Vaviri ava vanotambira Real Madrid neBarcelona kuSpain asi World Cup ndiyo chete inoratidza humhizha hwavo sekutaura kwemuongorori wemutambo wenhabvu vaByron Munyuki.

Vamwewo ndivo vari kutarisira kupedza maroto avo ekuti chikwata chichatora mukombe uyu ndechipi, mazita akaita seBrazil, Spain, France ari pamuromo yavo, kunyange hazvo vakawanda vacho varikuti Germany inotora mukombe uyu zvekare.

Christoph Kramer, Germany- World Cup-2014.
Christoph Kramer, Germany- World Cup-2014.

Germany ndiyo ine mukombe uyu mushure mekurova Argentina mufainari ya2014 mumakwikwi akaitirwa kuBrazil.

Asi aya ave makundano matsva, nezvikwata zvitsva, uyezve nevamwe vatambi vatsva. Saka zvasarira kuRussia neSaudi Arabia kusimudza makwikwi aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG