Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eTokyo Olympics 2020 Oenderera Mberi Zimbabwe Ichifambira Mashangurapata


Makwikwi emaolympics 2020 kuTokyo Japan arikuenderera mberi Zimbabwe parizvino yabuda mumakwikwi aya isina mambenduru.

ParizvinoChina ndiyo iri kutungamira pamenduru dzegoridhe kumakwikwi aya sezvo yave nemakumi maviri nemapfumbamwe kana kuti 29 ichiteverwa neAmerica ine makumi maviri nemaviri kana kuti 22, Japan iri pachidanho chechitatu ichiteverwa neAustralia neRussia olympics committee.

Panyika dzemuAfrica, South Africa iri pachidanho chemakumi matatu nemaviri kana kuti 32 negoridhe rimwe nedzimwe mhenduru mbiri dzesirivha. Dzimwe nyika dzine menduru dzegoridhe kubva kuAfrica iTunisia neMorroco.

Zimbabwe haina kana menduru imwe chete yayakawana kubva kumakwikwi ari kuitwa aya mushure mekunga vatambi vayo vose vashanu vaburitswa vasina kuenda kure.

Mutungamiri weZimbabwe Olympics Committee VaThabani Gonye vanoti kunyangwe zvazvo pasina mamenduru akawanika nechikwata chakabva kumusha vanotarisira kuti vamwe vatambi vachawana mukana wekuti vawanewo menduru kune mimwe mitambo yemaOlympics ichatevera.

Mitambo yemaOlympics ekutevera ichaitirwa kuFrance 2024.

"Tinofadzwa nematambiro akaita vatambi vedu vashanu sezvo vazhinji vavo vakakwanisa kubuda nenguva dzakanaka kukunda dzavaive nadzo vasati vaenda kumakwikwi emaOlympics," VaGonye vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

Vamwe vatambi vakadzokera kumusha uye vasara vacho vari kutarisirwa kudzokera munguva inotevera. VaGonye vanoti ivo negurukota rezve mitambo Muzvare Kirsty Coventry vachambosara vari kuJapan kusvika pachapera makwikwi aya musi wa 8 mwedzi uno. Vati vari kudawo kuzogara pasi kuti vaone kuti vogadzirisa sei zvinhu mumakwikwi anotevera.

"Tiri kutarisira kugara pasi nemamwe masangano, makambani nehurumende kuti tizeya kuti zvinhu zvogadziriswa seyi makwikwi eFrance 2024 asati asvika," VaGonye vatsinhira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG