Accessibility links

Breaking News

VaNkomo Vanovhura Makwikwi eMitambo yeVakaremara kwaMutare


Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaJohn Langa Nkomo, vakurudzira neChina kuti veruzhinji varemekedze mabasa evakaremara pamwe nekuvatsigira.

VaNkomo vataura mashoko aya kwaMutare apo vanga vachivhura zviri pamutemo mitambo yevanhu vakaremara inoitwa gore rega-rega. Gore rino mitambo iyi iri kuitirwa kwaMutare apo matunhu ose gumi emunyika ari kukwikwidzana mumakwikwi aya.


VaNkomo vati mapazi anoona nezvedzidzo, mitambo netsika pamwe nerekugara kwakanaka kwevanhu, anofanirwa kuona kuti mitemo ine chekuita nevakaremara yagadziriswa, kuitira kuti vakaremara varerukirwe nehupenyu, uye kutambirwa zvakanaka nevamwe munzvimbo dzavanogara.

VaNkomo vati mitemo iyi inofanirwa kugadziriswa kuitira kuti ifambirane nezvavako mazuvano. VaNkomo vatiwo nyaya yevanhu vanorarama nehurema inofanirwa kutorwa senyaya yezvekodzero dzevanhu panguva dzose.

Vati mitambo yakadai yema paralympics inobatsira kuti vakaremara vakwanise kuita mitambo izvo zvinozopa kuti vamwe vanenge vachigonesa, vakwanise kuzviriritira nemitambo iyi. VNkomo vapa muenzaniso wemumhanyi ane mbiri, Elliot Mujaji, uyo vati akaita mbiri uye kuhwina mumakwikwi evakaremara epasi rose.


Gavhuna weManicaland, VaChristopher Mushowe, vatiwo vane vimbo yekuti mitambo iyi ichabatanidza vanhu vose sezvo mitambo ichiuyisa vanhu vekwakasiyana-siyana pamwe chete.


Mumwe wevatambi vachakwikwidza pamakwikwi aya emazuva matatu, ayo ane dingindira rekuti, “Together in Sports”, ndiMuzvare Precious Kachasu, wekuManicaland.

Muzvare Kashasu vanoti mitambo iyi yakanaka nekuti inoita kuti vakaremara nevasina, vauye pamwe chete pasina rusarura.


Mumwe wevatambi ava, Seny Chijeza wekuMasvingo, anotiwo anotarisira kuti dunhu rake richakunda richizokwanisa kutora mikombe yakawanda sezvavakaita gore rapera apo mitambo iyi yakaitirwa muguta ravo.


Mitambo iyi yakatanga kuitwa mugore ra2008 kuBulawayo, gore rapera ikaitirwa kuMasvingo. Mitambo iyi inosanganisira nhabvu, kumhanya, mitambo yemunhandare nemimwewo. Vamwe vange vari pachiitiko ichi vanosanganisira mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, uye vakuru vemapazi akasiyana-siyana ehurumende.

XS
SM
MD
LG