Accessibility links

Breaking News

Makurukota e Hurumende Voramba Kushaisha Kusevenza Mari Dzebudiriro Mumatunhu


• Makurukota e hurumende akadomwa vhiki rino kuti ainga asina kushandisa mari ye Community Development Fund zvakanaka apindura zvine mutsindo nyaya yavari kupomerwa vachiti vainga vasina kudya mari kasi kuti vamwe vainga vasati vaishandisa kana kupedza kuishandisa uye kuendesa mapepa aya kuhofisi inowona nezvemari iyi.

Nhengo yedare reseneti inomirira Chizhanje Tafara neMabvuku, amai sekai holland, vanoti bepanhau reHerald riri kusvibisa zita ravo nekuvati mumwe wenhengo dzeparamende achasungirwa nyaya yekutadza kufambisa zvakanaka mari dzebudiriro mumatunhu – Constituency Development Funds - dzavakapihwa nehurumende.

Vachitaura kekutanga kubva zvaziviswa negurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, va Eric Matinengo, mazita evanhu gumi vasati vaendesa magwaro ekuratidza kuti mari idzi dzakafambiswa seyi, amai Holland vanoti mari yose yavakapihwa gore rapera inoita zviuru makumi mashanu zvemadhora, yanga isati yatanga kushandiswa, sezvo vakaudza hurumende kuti hurongwa hwavo huchatanga mwedzi uno kukadzi mushure mekunge vabva kunorapwa ku Australia.

Amai Holland, avo vanova zvakare gurukota rinoona nezvekugarisana kwakanaka nekupodzwa kwemaronda, vanoti mari iyi ichiri mubhanga.

Va Edward Chindori Chininga ve Zanu-PF vanotiwo vakanonoka kupedza basa rekushandisa mari iyi uye kuendesa mapepa anoratidza kushanda kwemari yacho.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vamwe vakadomwa mazita avo nava Matinenga, vanoti vaMarvellous Khumalo ve MDC-T, mumiriri weSt Mary’s, pamwe nedzimwe nhengo dze Zanu-PF dzinosanganisira va Douglas Mombeshora, vaNaison Nemadziva pamwe nava Abraham Sithole, kuti tinzwewo divi ravo. Asi tabatavo gurukota revashandi vehurumende, uye vari mumiriri weKuwadzana, Amai Lucia Matibenga, mumwe weavo vakanzi havana kuendesa gwaro remashandisiro avakaita mari dzebudiriro. Vanoti chavakakanganisa chete kunonoka kuendesa mapepa ekuti mari iyi yakafamba sei.

XS
SM
MD
LG