Accessibility links

Breaking News

Makorokoza Oisa Hupenyu hweVagari veMasvingo paNjodzi neKuchera pedyo neDzimba uye Matangi eMvura


Vamwe vagari vekuMasvingo vanoti vari kuronga kuendesa kanzuru yavo kumatare kana isina kubvisa mukati memazuva manomwe makorokoza ari kuchera goridhe pedyo nematangi emvura nedzimba dzavo sezvo vachigona kuzokonzera njodzi huru.

Vagari vanoti matangi emvura anogona kutsemuka oyeredza dzimba dzavo zvinogona kukonzera rufu.

Sangano revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance(MURRA), richimirirwa nemagweta aro ekwa Mutendi, Mudisi and Shumba, rinoti raendesa tsamba yeyambiro iyi kukanzuru.

Gweta revagari Advocate Phillip Shumba vati kanzuru inofanira kutora matanho ekubvisa makorokoza aya nekuti ndiyo ine matangi emvura ari mugomo remumusha we Target Kopje.

Matangi aya anotyirwa kuti akadhirika nekucherwa anogona kupa kuti dzimba dziri pedyo nawo dziyeredzwe nemafashamu emvura sezvo achinzi anotakura marita anosvika mamirironi gumi anopa dhorobha rose mvura yekushandisa.

Amai Entrance Takaidza, vemumusha wekwaMajange, vanoti kunze kwenyaya yemvura makorokoza aya ari kushandisa zvinoputika achidhuura gomo zvopa kuti dzimba dzavo dzitsemuke uye kukonzera ruzha rwakanyanya.

Meya wedhorobha reMasvingo, VaCollen Maboke, vanoti vari mubishi rekugadzirisa nyaya iyi.

Mukuru webasa muMURRA, VaAnoziva Muguti, vanoti vanoti vatora danho iri nekuti hupenyu hwe vanhu hunogona kupinda munjodzi..

Asi mamwe makorokoza akataura ne Studio 7 anoti ivo vari kuchera mugo umu nekuti vari kusevenzera vakuru vakuru vezvematongerwo enyika avaramba kudoma nemazita.

Mumwe mukorokoza ati anoda kuzivikanwa nekunzi Chinjiri, ati chavanoda imari zvematangi nedzimba dzevanhu havaneyi nazvo.

Magweta eMurra ati aendesawo tsamba idzi kubazi rinoona nezve zvicherwa munyika neku hofisi yegurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira.

VaShumba vati pakasabuda zviri kudiwa nevagari nyaya iyi inopedzwa nematare edzimhosva sezvo ine chekuita nekodzero dzevanhu dzakaita sehupenyu ne mvura.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG