Vatungamiriri vemapato gumi nematatu vakaita nhaurirano kuSouth Africa muCape Town vanoti mukana wekusangana kwavakaita wakavabatsira kuvaonesa zvakakoshera kubatana kwemapato enyika vachizeya matambudziko akatarisana nenyika.
Vachitaura nevatori venhau muHarare vakamirira masangano aya, mutungamiriri weMavambo/Kusile /Dawn, VaSimba Makoni, vati vakawirirana kuti gore rino risati rapera vanenge vabvumirana hurongwa hwekushandira pamwe semapato akasiyana pamwe nekuedza kukwezva vasina kuenda kumusangano weku Cape Town uyu.
VaFarai Mbira vesangano reZimbabweans United for Democracy, rimwe remapato akaenda kuCape Town, vanoti vane chivimbo chekuti mapato anopikisa bato reZanu PF, kusanganisira vasina kuenda kumusangano wekuCape Town, vachashanda pamwe chete.
Vati chiri kubatanidza vari mune zvamatongerwo enyika matambudziko akatarisana nenyika ayo asiya vazhinji vachinhonga svosve nemuromo.
Pavabvunzurudzwa neStudio7 semunhu akamboita gurukota rezvemari kuti matambudziko ekuondomoka kwehupfumi angagadziriswe sei, VaMakoni vati chauraya nyika kushaiswa kwevane hunyanzvi hwekuvandudza hupfumi mukana wekuumba hupfumi hwenyika.
Kunyange hazvo vemapato ezvematongerwo enyika aya vachiti vane chivimbo chekubatana, VaEarnest Mudzengi, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vanoti kusaenda kwemamwe mapato kumusangano wekuSouth Africa kunoratidza kuti dhimoni rekusabatana richakagara muvamwe vatungamiriri vemapato ezvematongerwo enyika
Mumwe mugari wemu Harare, VaFidelis Gaga, vati ivo vanoshora kuitirwa kwemusangano uyu kunze kwenyika. VaGaga vati vanhu vanofanirwa kugara pasi vari munyika mavo vachikurukura zviri kunetsa kwete kunoita nhaurirano kunze kwenyika.
Asi VaMakoni vati kuitira musangano kunze kwenyika kwange kusina kuipa vachiti gadziriso dzenyaya dzematongererwo enyika kazhinji dzinoitirwa kunze kwenyika ine dambudziko.
Vapa muenzaniso wenhaurirano dzakaitwa kuLancaster House muna 1979 izvo zvakazounza rusununguko munyika.
Asi vamwe vanoti nhaurirano idzi dzakaitirwa kunze kwenyika nekuti paive nevamwe vemapato ezvematongerwo enyika vakange vasiri munyika nepamusana pegakava raivepo.
Masangano asina kuenda kuCape Town anoti MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe neZimbabwe People First inotungamirirwa nevaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Amai Joice Mujuru.
Masangano aya anoti haana kuenda kumusangano uyu nekuti haana kunzwisisa chinangwa chekuitira musangano uyu.
Masangano aya anotiwo haanawo chivimbo nevaikokera musangano uyu, Va Isaac Maphosa veZimbabwe Institute, sangano ravana chipangamazano rakaumbwa richitsigirwa neMDC isati yapatsanuka muna Gumiguru 2005.
Vane ruzivo nezvakaitika vanoti zvichitevera kupatsanuka kweMDC muna 2005, Zimbabwe Institute yakasara yakamira ichitsigira vaimbove munyori mukuru weMDC isati yapatsanuka, VaWelshman Ncube, avo vava kutungamira imwe MDC yavakaumba mushure mekupesana naVaTsvangirai.
Asi VaNcube vanoti musangano uyu hauna kurongwa neZimbabwe Institute.