Accessibility links

Breaking News

Makanzuru Opemera Hurumende Mhosva yeKukanganisa Mabasa Avo


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChishanu vakasangana nemameya uye masachigaro emakanzuru emunyika avo vakavaudza kuti maitiro ehurumende yemubatanidzwa ndiwo opa kuti makanzuru akawanda atadze kuita mabasa awo nemazvo.

VaTsvangirai vakaita musangano uyu vaine gurukota rezvemari, VaTendai Biti, uye pakauywo mamameya nemasachigaro emakanzuru anosvika makumi matatu nemaviri.

Makanzuru anoti mauto nemapurisa ari kuvaonesa ndondo kana vachinge vaenda kunotora mari dzavo dzemitero.

MuHarare mapurisa ashorwawo nekutadza kusunga nhengo dzesangano reChipangano idzo dziri kutora midziyo yekanzuru. Chipangano inonzi inotsigirwa neZanu-PF.

Hurumende inonziwo ine mari yechikwereti chakakura yaisiri kubhadhara kumakanzuru. Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka vanoti VaTsvangirai vavimbisa zvichemo zvemakanzura kudare remakurukota.

VaFemus Chakabuda mayor weMasvingto uye vari mutungamiri we Urban Council's Association vanoti maitiro ehurumende ari kukanganisa mabasa avo zvakanyanya.

XS
SM
MD
LG