Accessibility links

Breaking News

Makanzuru Anoti Vagari Ngavabhadhare Mitero Yakakwira Sezvo Mari yemaRTGS Iri Kushaya Simba


Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya
Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya

Makanzuru akawanda munyika ari kuchema chema kuti mitemo yehurumende pagwara rezvehupfumi iri kungovandudzwa nguva nenguva negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, uye gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, yave kukanganisa mashandiro ayo zvekuti vave kuda kuti mari dziri kubhadharwa nevagari semutero pamwedzi dziwedzerwe.

Hurumende yakambotanga yati mari yemaRTGS nedhora rekuAmerica zvakayenzana isati yati huremu hupimwe nemabhanga zuva nezuva.

Izvi zvinonzi nemakanzuru akawanda zvavhiringidza mabasa avo sezvo mitengo yabva yawedzerwa zvakanyanya.

Asi vagari vanoti havana mari iri kutaurwa kuti vawedzere.

Meya weguta reHarar, VaHerbert Gomba, vanoti kanzuru yavo iri kuda kuti vagari vawedzere mari dzemitero nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Mashoko aya atsinhirwawo nameya weguta reKweke, Amai Angeline Kasipo, vatendawo kuti kutenga mishonga yekuchenesa mvura nezvimwe zvikwanisiro zvave kuomera kanzuru yavo.

Meya weguta reMasvingo, VaCollins Maboke, vanoti zvinhu kukanzuru yavo zvakaita mhidigari zvekuti havachwakwanise kuita mabasa avanotarisirwa nevagari.

Mumwe kanzura wekuChitungwiza atiwo kanzuru yaremerwa nemutoro wekutadza kuwana mari.

Ko vagari vari kuonawo sei nyaya yekuti mari iwedzerwe?

Mukuru weChitungwiza and Manyame Rural Residents' Association, VaMarvelous Khumalo, vanoti zvinhu zvakaomera vagari vazhinji.

Mutungamiri weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vati havatenderana zvachose nezviri kuda kuitwa nekanzuru yavo kuti vabhadhare mari yakawanda yemitero.

Mashoko aya atsinhirwawo naVaAnoziva Muguti vanove mukuru weMasvingo Residents and Ratepayers Association.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti zvinhu zvikasagadziriswa mumaguta umu munotanga kupararira zvirwere zvakaita setyphoid nekorera.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kana hupfumi hwenyika husina kugadziriswa, makanzuru acharambawo achitatarika.

Gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vaudza Studio7 kuti vange vari mumusangano uye vachapindura mibvunzo yedu panyaya iyi svondo rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG