Accessibility links

Breaking News

Makanzura eMDC Anosungwa kwaRusape


Makanzura maviri eMDC anonzi asungwa kwaRusape achipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Zvinonzi sachigaro wekanzuru yeRusape, VaKidwell Gomana, pamwe naVaTeddy Chipere, vasungwa mushure mekunge vagari vemaRusape vaungana pamahofisi ekanzuru vachida kuratidzira kudomwa nebazi rezvekutongwa kwematunhu kwakaitwa komisheni iri kuda kunzi iongorore mashandiro ekanzuru iyi. Komisheni iyi inonzi ine nhengo dzeZanu PF chete.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa pamusoro penyaya iyi. Asi mumwe wemakanzura ekwaRusape, VaLovemore Chifomboti, vaudza Studio7 kuti ivo sekanzuru, havana chekutya kuti vaongororwe.

Zvichakadaro, sachigaro weBindura Residents Association, VaOlley Mazorodze, pamwe nemunyori wesangano iri, VaMoses Nyazema, avo vakasungwa nemusi weSvondo vachipomerwa mhosva yekutyisidzira gavhuna weMashonaland Central, VaMartin Dinha, vachiri muhusungwa zvichitevera kuramba kwevachuchisi kuti vaburitswe mushure mekupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

NeChipiri, mutongi wedare remajesitereti kuBindura, akapa vaviri ava mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita nadhora makumi matatu ekuAmerica pamunhu, asi vachuchisi vakabva vaita kuti mutemo weSection 121, uyo unobvumidza hurumende kuti musungwa agare muchitokisi kwesvondo iyo ichiferefeta, ushandiswe.

Gweta riri kumirira vaviri ava, VaRainos Gumbo, vaudza Studio7 kuti vavari kumirira vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, uye vanoona sekunge daka rakabva panyaya yekuti mabharani wekanzuru akanga ambomiswa basa, adzoserwe pabasa rake.

XS
SM
MD
LG