Accessibility links

Makambani Oudza Hurumende Huronga hweKuendesa Hupfumi kuVatema

  • Jonga Kandemiiri

Bazi rekuendeswa kweupfumi kuvatema rinoti makambani emigodhi anodarika zana nemakumi manomwe, akatosvitsa hurongwa hwawo hwekupa zvikamu zveupfumi kuvatema, zvichitevera kurudziro yakaitwa nebazi iri yekuti makambani ose ekunze ange aita izvi panopera mwedzi waGunyana gore rino.

Mamwe emakambani anonzi akazivisa nezvehurongwa hwawo anosanganisira Rio Tinto, Mwana Africa neFreda Rebecca, ayo anove makuru munyaya dzemigodhi munyika.

Hurumende yakadzika mutemo unomanikidza vemakambani ekunze kuti vape zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvemasheya kuvatema, senzira yekuendesa upfumi kuvatema.

Asi dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dziri kushora danho iri dzichiti rinodzinga vemakambani ekunze munyika.

Mutewedzeri wegurukota rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaTongai Matutu, vaudza Studio7 kuti bazi ravo rinofara zvikuru nekushanda pamwe kuri kuratidzwa nevemakambani ekunze ava.

VaMatutu vanoti zvingangotora mwedzi ingasvika mitatu kuti bazi ravo ripindure vemakambani ava.

XS
SM
MD
LG