Accessibility links

Breaking News

Makambani ekuIndia Otenga Mangoda ekwaMarange


Makambani ekuIndia anoita zvemangoda anoti ari kufara kuti ava nemvumo yeKimberley Process yekutenga mangoda ekwaMarange.

Makambani aya anoti ari kuda kutenga mangoda anosvika mamiriyoni matanhatu kubva ku Zimbabwe. Mangoda aya ndeaye ari kucherwa kwaMarange, ayo akapihwa mvumo yekutengeswa neKimberley Process mwedzi uno.

Sachigaro veSanghavi Exports, Va Chandrakant Sanghavi, vaudza pepanhau re Times of India kuti mangoda aya vachaatenga nechimbi chimbi.

Mutevedzeri wegurukota rezvemighodhi, Va Gift Chimanikire, vanoti zvakanaka kuti mangoda aya atengeswe nekuti zvinozobatsira hurumende kubhadhara vashandi vayo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwe enyika, uye vachishanda ne Institute for a Democratic Alternative for Zimbabwe, Va Joy Mabenge, vanotiwo zvaizofadza dai mari inoduba mumangoda aya ichibatsira nyika yose.

XS
SM
MD
LG