Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa Okura Pakati paVaNcube naVaMutambara Zvichitevera Mutongo weDare


Dare repamusoro High Court remu7Bulawayo rakapa mutongo wekuti mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, havasi mutungamiri weMDC diki kusvika nyaya imwe iri kumatare iri kupikisa kusarudzwa kwaVaWelshman Ncube semutungamiri weMDC yapera.

Dare rakati VaMutambara vanofanira kumbomira kuvandudza dare remakurukota sezvavange vachitarisirwa kuita mumazuva mashoma anotevera nekuti pari zvino havana masimba ekuita izvi.

VaMutambara vange vachida kubvisa VaNcube nevamwe vavo kuti vasave makurukota ehurumende. Dare rakapa VaMutambara mazuva gumi kuti vapikise kana vachida, mutongo waro uyu.

Panonzi paitawo hondo inotyisa pakati paVaMutambara naVaNcube yekurwira nhengo nomwe dzedare reparamende dzebato iri.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC iri kutsigira VaMutambara, VaMaxwell Zimuto, vanoti vachakwikwidza nyaya iyi kumatare.

Ukuwo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNcube, VaNhlanhla Dube, vanoti zviri pachena kuti VaMutambara havasi mutungamiri webato iri uye havafanire kutaura pamusoro pezvinoitika mariri.

XS
SM
MD
LG