Accessibility links

Breaking News

Mbeu yeChibage Yonetsa Kuwana kuMasvingo


Mbewu yechibage yoshaikwa kuMasvingo
Mbewu yechibage yoshaikwa kuMasvingo

Varimi vanobva munzvimbo dzakasiyana-siyana mudunhu reMasvingo vari kuchema chema nekushaikwa kwembeu yechibage panguva iyo mvura yakatanga kunaya kuti varime.

Mumwe mugari wekuMasvingo mudunhu re Zaka, Amai Sarah Makombe, vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekushaikwa kwembeu apo mvura yatanga kunaya.

“Isu tatoshushukina nenyaya yembeu, tatenderera kwose kwatinositenga kwati singacharevi nemazita asi tishayiwa. 513 ndombeu inorimwa asi taishaya saka patanga tichibvunza vemashops inonzi yakatorwa nehurumende ichiendeswa ku Command Agriculture saka nema elections arikuuya kana usingatsigiri Zanu PF hauwani mbeu vachapanana pachavo.”

Vazhinji vataura neStudio7 vanoti mbeu yeSeed-co SC513 inozivikanwa nekunzi Mbizi, iyo inorimwa munzvimbo dzakaoma dzisina mvura yakawanda muMasvingo, haisi kuwanikwa muzvitoro.

Vamwe vanoti painowanikwa vari kutadza kuitenga nekuti yave kudhura sezvo yakakwidzwa gore rino, kubva pamadhora makumi maviri nemana kuenda pamadhora mukumi matatu nemasere, pachisaga chinorema makirogiramu gumi.

VaDenis Gono vekuMwenezi vanoti kukwidzwa kwembeu kunovarwadza sezvo vari kunetseka nekuwana mari munyika.

Muzvitoro zvinotengesa mbeu zvakaita se Masvingo Farm Supplies, Masvingo Hardware, N. Richards pamwe nekwa OK, mbeu ye SC513 yanga isingawanikwi nhasi asi dzimwe dzine mazita asingazivikanwi nevanhu ndodzanga dzirimo.

VaCletos Chapanya vanotengesa mu N.Richards Hardware vati mbeu iri kunetsa asi mamwe makore inosidayi yazara muzvitoro zvavo.

“Varimi vatanga kuuya patanga kuti mvura nayei, mbeu seinodiwa nevanhu ndoichiri shoma asi 513 inonyanya kudikwa nevanhu ndoichirishoma.”

Gurukota rinoona nezvekurima, VaJoseph Made, varamba kudaira nhare yavo kuti vatipe pfungwa dzavo padambudziko rembeu.

Asi nyanzvi mune zvekurima uye mutungamiriri webazi rezvekurima pachikoro che Great Zimbabwe University, Professor Shoko, vanoti vanhu hafaniri kurohwa nehana nekuti nguva chaiyo yekurima haisati yasvika.

“Ndowona sekuti mvura yekutivanhu varime haisati yaita izvi inongova wo mvura shoma yanaya hayo, zvipfunha mbuya, asi mvura yatinoti isusu ku Agriculture, effective rainfall haisati yasvika. Kushaikwa kwembeu I know kuti varimi vajaira kuwana mbeu dzavo mu mashops by July asi iyezvino yanonoka,” vanodaro Professor Shoko

Vanhu vazhinji vanotyira kuti vakashaiwa mbeu nguva ichiripo zvinoita kuti vabatwe nenzara gore rinouya panopera mwaka wekurima.

1 maize
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG