Accessibility links

Breaking News

Magweta eMDC Alliance Okwenenzvera Mapepa eKuendesa kuDare reKodzero dzeVanhu reAfrican Union


Ricky Munyaradzi Mukonza

Magweta ebato reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa anoti atanga hurongwa hwekugadzirira kuenda kudare reAfrican Commission on Human and People’s Rights (the ACPHR) vachiti sarudzo dzakaitwa munyika dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Dare iri riri kutarisirwa kugara muna gumiguru uye bato iri rinofanira kuendesa mapepa aro dare iri risati ragara.

Kana mapepa aya aendeswa, vatongi vedare iri vanotanga vagara kuti vaone kuti vanotambira here nyaya iyi, kana vatenderana kuti vanoitambira vanobva vagara pasi kuti vaizeye.

Gweta vari nhengo yeMDC Alliance VaJacob Mafume vaudza Studio 7 kuti vanoda kuti komisheni iyi iongorore nyaya yekuti hurumende haina kutyora here zvimwe zvibvumirano zvayakanyorerana nedzimwe nyika uye kuti zvimwe zvakataurwa nedare reConstitutional Court zviri pamutemo here unotevedzerwa nedzimwe nyika.

Vati izvi zvinobatsira kuratidza pachena zviri kutaurwa nemdc alliance kuti zvinhu hazvina kufambiswa zvakanaka muzimbabwe.

Mutauriri wavachamisa, Doctor Nkululeko Sibanda vati magweta avo ari mushishi kupedzisa kugadzirisa magwaro ekuenda kukomisheni.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza vanoti hapachisina zvingagone kuitwa zvingabatsire VaChamisa kuti vavandudze zvakabuda musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG