Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaMnangagwa Osvitsa Mamwe Mapepa kuDare reConcourt Vachiti Vakakunda muSarudzo


VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga
VaEmmerson Mnangagwa naVaConstantino Chiwenga

Mutungamiri weZANU PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weMuvhuro vakasvitsa mapepa kudare anobata zvavachataura musi weChitatu pachatongwa nyaya yakakwidzwa kudare nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa yekuti zvakabuda musarudzo dzemusi wa30Chikunguru zvisendekwe parutivi vachiti sarudzo idzi dzakabirirwa zviri zvemhando yepamusoro-soro.

Magweta ari kumirira VaMnangagwa pamwe neari kumirira komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, akasvitsa mapepa kudare ekupindura mapepa enhanganyaya kana kuti ma "heads of arguments" akasvitswa kudare nemagweta aVaChamisa nemusi weMugovera.

Rimwe remagweta ari kumirira VaMnangagwa, VaTinomudaishe Chinyoka, vaudza Studio 7 kuti vakasvitsa mapepa aya mukati menguva yakatarwa nedare reConstitutional Court iro rakapa VaMnangagwa kusvika na10 mangwanani kuti vange vasvitsa mapepa avo.

VaChinyoka vati mapepa avakasvitsa kudare anoratidza pachena kuti VaMnangagwa vakakunda zviri pachena musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa musi wa30 Chikunguru.

Mushure mekusvitswa kwakaitwa mapepa aya kudare nemagweta aVaMnangagwa, magweta aVaChamisa pamwe nemagweta ari kumirira VaMnangagwa, ZEC navose vakadomwa kuti vapindure nyaya iyi mudare vaita musangano nemukuru-mukuru wevatongi munyika VaLuke Malaba unodaidzwa kuti pre-trial conference.

Rimwe remagweta aVaChamisa, VaSylvester Hashiti, vakaudza Studio 7 kuti pane pavasiri kuwirirana nemagweta aVaMnangagwa panyaya yekuti mapepa achashandiswa mudare pachanzwikwa nyaya iyi ndeapi.

VaHashiti vati vacharamba vachitaudzana nemagweta ari kumiririra VaMnangagwa neZEC pamwe naVaMalaba kuti vawirirane kuti mapepa avachabvumirana kushandisa mudare ndeapi.

Zvichakadai, VaHashiti vati vasvitsa chikumbiro kudare chekuti vabvumidzwe kushandisa michina inoita kuti vose vachange vari mudare musi weChitatu vakwanise kuona zvinenge zvichitaurwa nemagweta mukusvitsa kwaachaita humbowo kana kuti ma projectors vachiti vatongi vematare pamwe nevanenge vari mudare iri vanofanira kuti vanyatsoona zvinenge zvichitaurwa nemagweta aVaChamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG