Accessibility links

Breaking News

Dare reConstitutional Court Ropa Mutongo Waro neChishanu paChikumbiro chaVaChamisa


ConCourt

Nyaya yekupikisa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika yatanga kunzwikwa mudare re Constitutional Court.

Magweta emutungamiri we MDC Alliance, VaNelson Chamisa, aswera achikweshana pfungwa nemagweta ari kumirira mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Achisvitsa humboo mudare, magweta aVaChamisa achitungamirwa naAdvocate Thabani Mpofu, ati zviri pachena kuti huwandu hwevanhu vakavhota nevakanyoresa kuvhota hazvisi kupindirana.

Magweta aya aroverera Zimbabwe Electoral Commission, Zec, nyaya yekuti yakatadza kubata zvakanaka sarudzo, uye pane dzimwe nguva, yakaisa mavhoti aifanirwa kupihwa VaChamisa kuna VaMnangagwa.

Ukuwo magweta aVaMnangagwa achitungamirwa naVaItai Uriri, audza dare kuti hapana humboo huri mudare hunoratidza kuti Zec yakaisa mavhoti kuna VaMnangagwa.

Magweta aya atiwo humboo huri kupihwa nemagweta aVaChamisa hauna kodzero yekunge huchibvumidzwa kupinda mudare.

VaUriri vatiwo magwaro akapihwa VaMnangagwa akasvika kwavari nguva yakatarwa nemutemo yapfuura.

Asi magweta aVaChamisa ati paakaisa magwaro awo mudare akasangana nedambudziko sezvo chikonzi chisina kuita basa racho remazvo.

Vati sezvo dare richivharwa na 4 dzemasikati, havana kukwanisa kuwana rubatsiro rwematare kuitira kuti magwaro asvike nenguva kwayo.

Asi VaUriri varamba vakasimba nerekuti mutemo unoti magwaro aya anofanirwa kusvitswa kumunhu aendeswa kumatare mukati memazuva manomwe, uye mazuva manomwe aya hapana pakanzi mazuva ezororo nekupera kwesvondo haaverengwe pamazuva manomwe akatarwa nebumbiro remitemo yenyika.

Vati dare rinofanirwa kuona kuti mazuva anotarwa nebumbiro remitemo yenyika munyaya dzekupikisa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika atevedzwa pakatariswa zvinoreva bumbiro remitemo yenyika.

Gweta re Zec, VaTawanda Kanengoni, vati hapana huchapupu hunoratidza kuti pane nhamba dzevanhu vakavhota vakaiswa pavanhu vakavhotera VaMnangagwa.

Vatiwo huwandu hwezvakakanganiswa neZec hauna kukura zvekuti hungachinja danho rakatorwa neZec rekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo iyi.

Mukuru wevatongi vematare, VaLuke Malaba, vati dare richapa mutongo waro neChishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG