Accessibility links

Breaking News

Magwaro Onetsa Kuwana muSouth Africa Zvichikonzerwa neZimbabwe


Mabharani mukuru wenyika, kana kuti Registrar-General, VaTobaiwa Mudede, vanonzi neMuvhuro vakaudza komiti yezvemukati menyika kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika miriyoni imwe chete nemazana mana ezviuru zviri muSouth Africa zvisiri pamutemo zvinogona kutadza kuwaniswa magwaro ekuti zvigare zviri pamutemo munyika iyi.

Bepanhau reHerald rinoti VaMudede vakaudza komiti iyi kuti zuva rakatarwa nehurumende yeSouth Africa rekupera kwaZvita richakwana pasina zvikuru zvaitwa sezvo kusvika pakupera kwaGumiguru, vanhu vanodarika zvishoma zviuru zvinomwe ndivo chete vakanga vapiwa mapasipoti ekuti vakwanise kuforera magwaro emuSouth Africa.

Bazi raVaMudede rakatumira vashandi makumi mana nemumwe kuSouth Africa kuti vabatsire nekupa magwaro ekufambisa kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvisiri pamutemo.

Veruzhinji vava kutyira kuti vangangotadze kupiwa magwaro aya sezvo pachinzi pane chinono pakuwanisa vanhu mapasipoti.

Mumwe wevari muSouth Africa zvisiri pamutemo uye vakamirira pasipoti yemuZimbabwe kuitira kuti vakwanise kuwana magwaro emuSouth Africa, VaTatenda Gono, avo vari kuCape Town, vanoti pane dambudziko sezvo vachamirira mapasipoti kwemasvondo matanhatu, vozomirirazve magwaro emuSouth Africa kwemazuva makumi matatu kana vaforera.

XS
SM
MD
LG