Accessibility links

Breaking News

MaGems Otendwa neKusimudza Mureza weNyika


Chikwata cheZimbabwe chemaGems nhasi chapedza rwendo rwacho rweNetball 2019 Vitality World Cup chiri pachinhanho chechisere. New Zealand yakakunda Australia 52- kwa 51 ichibva yasimudza mukombe uyu.

Chikwata ichi nezuro chakarohwa neUganda 58-47 mumutambo wavo wekugumisira we2019 Vitality World Cup ndokupedza chiri pachinhanho chechisere mumakundano aive nezvikwata gumi nezvitanhatu zvaive zvakaungana muLiverpool, England, kubva musi wa 12 Chikunguru.

Izvi zvinotevera kurohwa kwavakaitwa zvekare neNew Zealand, Malawi, Jamaica,nhasi neUganda, izvo zvavadzorera shure mumakwikwi avakashura mare zvaive zvisingatarisirwe.

MaGems ari kudzoka kumusha misoro yavo iri mudenga mushure mekupedza vari pachinhanho chechipiri nekuenda munharaunda yechipiri kubva mugungano raive rakaoma nezvikwata zvinoti Australia, Northern Ireland neSri Lanka.

Vakatungamira chikwata ichi Amai Letitia Chipandu vaudza Studio 7 kuti vari kudada nechikwata chemaGems.

Studio 7 yabatawo mumwe mutambi wechikwata chemaGems Ndaizivei Madzikangava

Muteveri wezvemitambo VaTinashe Museti vanoti vasikana ava vanofanira kutendwa zvakasimba nezvavakaita kuLiverpool, kwete nemari chete.

Kaputeni wechikwata ichi Perpetual Siyachitema anoti aka kaive kekutanga kuenda kumakundano aya zvekuti vave kutarisira kuenda kuWorld Cup inotevera uko varikutarisira kunokwikwidza zvinemutsindo kutora mukombe.

MaGems arikutarisirwa kusvika akamirirwa nechaunga panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport mushure mekuita zvaive zvisingafungirwe nevakawanda kwete muZimbabwe chete asi pasi rese.

Vanotevera mitambo vanoti chikwata ichi chinofanira kusiiwa chakabatana kudaro chichigadzirira kurwira nzvimbo yekuenda kumakundano e2023 ayo achaitirwa muSouth Africa.

Tombotarisa zvakabuda mumitambo yeCastele Premier Soccer League yakatambwa nezuro, Dynamos neCaps United dzakaita mangange 1-1 mumutambo weHarare Derby uyo wakatambirwa muRufaro Stadium.

Mutambo uyu wakaunganidza chaunga chinotyisa icho change chichida zvakasiyana vamwe vari veMakepekepe vamwe vari veDembare nevamwewo vezvikwata zvanga zvisingatambe nhasi.

Asi mukugumisira zvikwata izvi zvagovana mapoinzi ndokusiya Makepekepe achiri pachinhanho chechitatu, Dembare iri pachinzvimbo chegumi.

FC Platinum ndiyo ichiri pamusoro pemakundano aya nepoindi imwechete pamusoro peChicken Inn mushure mekurova Chapungu 1-0 muManndava Stadium nezuro.

Mimwe mitambo yanga iriko neSvondo yakapera seizvi….

Manica Diamonds 1 Highlanders 1

TelOne 0 Mushowani 2

Mitambo yeMugovera yakapera seizvi…

FC Platinum 1 Chapungu 0

Ngezi Platinum 2 Black Rhinos 0

Chicken Inn 2 Bulawayo Chiefs 0

ZPC Kariba 0 Triangle 0

Herentals 2 Hwange 2

Yadah 1 Harare City 1

Kwatambwa mitambo gumi nemishanu, zvikwata zvina zviri pamusoro-soro ndeizvi..

FC Platinum 31 points

Chicken Inn 29 points

Caps United 27 points

Black Rhinos 24 points

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG