Accessibility links

Breaking News

VaMagaya Voramba Vakaomesa Musoro paMushonga weAguma


Walter Magaya Leaving Court In Harare After Aguma Case
Walter Magaya Leaving Court In Harare After Aguma Case

Mukuru weProphetic Healing and Deliverance (PHD) Ministries, VaWalter Magaya, vari kuramba vakaomesa musoro panyaya yavakasungirwa muZimbabwe vachiti vava kushanda nedzimwe nyika kuitira kuti vakwanise kuparura mushonga weAguma uyo wavanoti unorapa HIV/AIDS, gomarara nezvimwe.

Vachitaura neStudio7 kumucheto kwemunamato wavakaita mudhorobha reFrancistown muBotswana neChitatu manheru, VaMagaya vakati havazi kuzodzokera shure nehurongwa hwavo hwakavakasungisa nemapurisa muna Mbudzi 2018 mushure mekushambadza kuti vakanga wana mushonga unorapa HIV/AIDS.

Mushure mekubvuma mhosva yekushambadza zvisiri pamutemo kuti vawana mushonga unorapa HIV/AIDS, VaMagaya vakabhadhariswa faindi yemazana manomwe emadhora ekuAmerica muna Kukadzi gore rakapera.

Asi zvakaitika izvi hazvina kuodza VaMagaya moyo, avo vakaudza Studio7 kuti vari mubishi kushanda nedzimwe nyika dzavasina kuda kudoma idzo vakati dziri kuona mushonga weAguma uri mhinduro kudambudziko reHIV/AIDS.

VaMagaya vakati HIV/AIDS yanetsa muAfrica, nokudaro inoda kuti nyika dzose dziise misoro pamwe chete mukutsvaga mhinduro kudambudziko iri.

VaMagaya vakati vakaona zvakakodzera kuti vashande nedzimwe nyika nokuti Zimbabwe haina chivimbo chokuti mushonga uyu ungapedza matenda anetsa munyika.

Asi pamutongo wakapihwa VaMagaya muZimbabwe, kambani yavo yeAretha Medical Company, yakawanikwa isina kunyoresa neMedicines Control Authority of Zimbabwe, uye inonzi haina kupihwa mvumo neHealth Professions Authority kuti iite tsagiridzo dzekuona kuti mushonga weAguma unoshanda here kana kuti kwete.

Mumwe chiremba pachipatara chakazvimirira chega muFrancistown, VaSengaphi Khuzwayo, vashora VaMagaya vachiti munhu ari kutsvaga mari.

VaMagaya vakambokonzeresa mutauro munyika mushure mekunge vasungwa nemhosva yekubata mumwe mudzimai chibharo, asi nyaya iyi yakazoraswa nedare redzimhosva mushure mekunge mumhangari abvisa nyaya iyi zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG