Makurukota ehurumende nenhengo dzeparamende vanofanirwa kuzivisa dare reparamende hupfumi hwese hwavainahwo Chishanu chisati chapfuura.
Izvi zviri kuitwa senzira yekutevedza zvinodiwa nemutemo unoti vanofanirwa kupa magwaro aya kudare mazuva makumi matatu asati apfuura kubva pavagadzwa.
Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti vadare vese vanotarisirwa kunge vaendesa magwaro aya mukudoka kwezuva neChishanu.
Mubvunzo une veruzhinji ndewekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevatevedzeri vavo, VaConstentino Chiwenga naVaKembo Mohadi, vachaendesawo here magwaro ekuratidza hupfumi hwavo.
Taedza kubata mukokeri weZanu PF mu National Assembly, VaPupurayi Togarepi, asi nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.
Asi mukokeri weMDC mudare iri, VaProsper Mutseyami, vaudza Studio7 kuti bato ravo rakazvipira kuzadzisa zvinodiwa nemutemo kuitira kuti varatidze pachena zvavainazvo.
VaGonese vatiwo havana chokwadi chekuti vebato riri kutonga re Zanu PF vachazadzisawo here zvido zvemutemo.
Facebook Forum