Accessibility links

Breaking News

Madzimai Oyambirwa nezveChirwere CheKusagadzikana Mupfungwa Achongobva Kusunguruka


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira vanhu kuti vagare vakangwarira nyaya yekurwara nepfungwa kunogona kuita madzimai kana achangobva mukusungunuka zvinogona kuti vamwe vagume vatora hupenyu hwavo.

Asi chirwere ichi chinorapika munhu akakwanisa kuwana rubatsiro nekukurumidza. Chirwere ichi chinonzi postpartum chinokonzerwa nekusagadzikana mupfungwa kana mudzimai achangobva mukusungunuka.

Dr Vongai Munatsi vanoti pavanhu gumi vanoenda kunotsvaga rubatsiro kuzvipatara nekumakiriniki munyika, panowanikwa vanhu vatatu vanezvirwere zvepfungwa.

Vakurudzira kuti kana zvaonekwa kuti mukadzi asununguka aakuita zvinhu zvaaisamboita kare zvinenge kusuwa, kutadza kudya zvakanaka kana kutoramba kuyamwisa mwana , zvinenge zvavekuratidza kuti pfungwa dzake dzinenge dzisisina kugadzikana zvakanaka.

Dr Munatsi vanoendera mberi vachiri zvirwere zvepfungwa zvinofamba nedzinza remunhu zvokuti kana zvikasaongororwa nemazvo, panogona kuonekwa kuti kune vamwe vemudzinza vakambobatika nedenda repfungwa.

Vatiwo zvirwere zvepfungwa hazvikonzerwi nekuroiwa, madhimoni kana mweya yetsvina asi kuti varapwi ava vanenge vachingoda anoda kukurukura navo kuti vataure misengwa yavakatakura.

Mugari wekuChitungwiza Amai Grace Chihuri vanoti nyaya yemadzimai anovhiringika pfungwa kana vabatsirwa inyaya isinganyanye kutambirika mumhuri dzakawanda zvokuti havatozive kuti vakadzi ava vanokwanisa kurapwa nemishonga vakatoita zvakanaka.

Nyanzvi yezvehutano hwepfungwa, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe National Association for Mental Health kana kuti ZimNamh, Dr Ignatius Murambidzi, vakatsinhirawo mashoko akataurwa naDr Munetsi vachiti vanhu vakawanda havanzwisise nezvenyaya deemadzimai anoshungurudzika mushure mokunge vasununguka izvo zvinozoita kuti varware havo muchinyararire. Dr Murambidzi vanoti zvirwere zvepfungwa zvinorapika nemapiritsi zvokuti varapwi ava vanotogona kutorarama kusvikira vakwegura vachinwa mishonga iyoyi.

Chero zvazvo zvisingazivikanwe kuti kuti madzimai mangani ane dambidziko repostpartum depression munyika, Dr Murambidzi vanoti denda repfungwa ratove dambudziko guru nokudaro panofanirwa kutsvagwa dzimwe nzira dzokuti vanhu vanedambudziko iri vakurumidze kuwana rubatsiro vasati vasvika pakuda zvokuzotora hupenyu hwavo.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti huhwandu hwevanhu varikuzviuraya kwave kuda kuenzana nevanhu vanofira munjodzi dzepamigwagwa.

Vanhu mirioni nemazana matanhatu anemakumi mana, 1 640, vakafa nekuzviuraya uye vanhu vanodarika mirioni nemazana masere anemakumi matatu, 1830, vakafira mutsaona dzepamigwagwa mugore 2017 zvinova zvinhu zvave kuratidza kuti firo mbiri idzi dzatove kukwikwidzana.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti zvakare vanhu vanodarika mamiriyoni matatu pasi rose vanorwara nechirwere chekufungisisa kana kuti depression pachirungu, uye vanhu vanodarika miriyoni imwe chete, vanozviuraya pasi rose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG