Zvizvarwa zveZimbabwe zvechidzimai zvinogara nekushanda muBotswana zvinoti kushaikwa kwemukana wekucherechedza zuva revanhukadzi pasi rose reInternational Women’s Day kunovatadzisa kuti vave nemazano angavabatsira kuti vabatsirikane.
Vachitaura neStudio7 muFrancistown, Botswana pazuva reMadzimai kana kuti International Women's Day, Amai Priscilla Katsenga vanoti vanhukadzi vanobva kuZimbabwe nedzimwe nyika muBotswana neSouth Africa vanosangana nematambudziko makuru asi kwekuchemera hapana.
Amai Tinotenda Mutungagore vaudza Studio7 kuti zvizvarwa zvechidzimai zvinobva kuZimbabwe hazvikwanisi kurakidzira kumbunyikidzwa kwazvo munyika dzazvinogara nekuti ruzhinji rwugere munyika idzi zvisiri pamutemo
Muzvare Ethel Jairos avo vane makore makumi mana nerimwe vanorarama nekutenga zvinhu muBotswana vachinozvitengesa kumusha vanoti nhamo ndiyo inoita kuti vasafunge nezvekucherechedzwa kwezuva iri kunyangwe hazvo vachisangana nematambudziko.
Zvichakadaro, Amai Memory Mlotshwa vanoti kusamira zvakanaka kwezvinhu muZimbabwe kunopa kuti madzimai agume opembererera nenyika kunge mombe dzemashanga.
Musi wa 8 Kurume gore rega rega, vanhukadzi pasi rose vanocherechedza mabasa anoitwa nemadzimai.
Facebook Forum