Accessibility links

Breaking News

Mabhizimisi Orasikirwa neMamiriyoni Mashanu eMadhora paZuva neNyaya yeKuratidzira


Sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, rinoti mumazuva maviri ekuratidzira nyika yarasikirwa nemari inodarika mamiriyoni gumi emadhora.

Mari iyi haisanganisiri mari yezvitoro zvakavharwa kana kupwanya mukuratidzira uku.

Mukuru weZNCC, VaChris Mugaga, vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vemabhizimisi.

VaMugaga vakurudzira hurumende kuti itaurirane nevashandi senzira yekuyedza kupedza kunetsana uku.

Gurukota rinoona nezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, vanoti hurumende iri kuzopa vashandi vayo mari iri pakati pezvikamu nemakumi maviri nezvitatu kubva muzana kubva mwedzi uno kusvika muna Kurume nhaurirano dzemuhoro dzichienderera mberi.

Vatiwo vari kuda kutanga kuita nhaurirano nevashandi kuburikidza nemisangano yeTripartite Negotiating Forum.

Munyori mukuru muZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti hurumende yange yave nemakore akawanda ichiramba kuita nhaurirano nevashandi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumushandi muZimbabwe zvokonzera kuratidzira.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pari zvino vari kuRussia uye vachashanyira dzimwe nyika shanu vachiyedza kukwezva vekuze vanouchika mari munyika.

Asi Doctor Kanyenze vati kuti zvishande, zvinonetsa kana munyika musina kugadzikana.

Vashandi vakatanga kuratidzira musi weMuvhuro vachigunun’una nekukwira kwemafuta ekufambisa dzimotokari nezvikamu zana nemakumi mashanu kubva muzana.

Mitengo yezvinhu zvekudya yakabva yatangawo kuita chamurambamhuru ichikwira izvo vakawanda vanoti vava kuomerwa nehupenyu.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG