Accessibility links

Breaking News

Lt-Gen Sibanda Vanoti Zviri Kuitika kuLibya Hazviitiki muZimbabwe


Mukuru wemauto eZimbabwe National Army, Lieutenant-General Philip Valerio Sibanda, vanoti vatungamiri venyika dzemuAfrica vanofanirwa kubatana kuitira kuti vakwanise kudzivirira vapanduki vanoda kukonzera kusagadzikana kwenyika dzemuAfrica.

Vachitaura neSvondo pakupedza zvidzidzo kwevakapinda muchiuto kuImbizo Barracks muBulawayo, VaSibanda vakati sangano reAfrican Union ratsemurwa nepakati nenyaya yeLibya, sezvo pasina kutaura nezwi rimwe chete.

Mumashoko aburitswa nebepanhau reThe Herald, VaSibanda vanoti zviitiko zvakadai zvinoburitsa pachena kusasimba kwemasangano akaita seAfrican Union, sezvo ari kutadza kugadzirisa nyaya yevapanduki.

VaSibanda vanotiwo zviri kuitika kumaodzanyemba kweAfrica, zvikuru kuLibya, hazvikanganisi kugadzikana kwezvinhu muZimbabwe.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, pamwe nevamwe vaive muchiuto vasina kuda kudomwa nezita vanoti mashoko aLieutenant-General Sibanda, haafanirwi kunge achibva kumunhu achiri muchiuto sezvo ari ezvematongerwo enyika.

VaMangongera vanoti mashoko akadai anotarisirwa chete kubva kumunhu anenge achitaura akamirira hurumende yechiuto.

XS
SM
MD
LG