Accessibility links

Breaking News

Law Society of Zimbabwe Inoti VaZiyambi Ngavaburitse Humbowo Hwekuti Vatongi Vari Kuda Kupidigura Hurumende


VaZiyambi Ziyambi

Mutungamiri wesangano remagweta reLaw Society of Zimbabwe kana kuti LSZ, VaWellington Magaya, vanoti vanyora tsamba kugurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti vaburitse humbowo hwavanoti vanahwo hwekuti vatongi vematare vari kutonga vakarerekera rimwe divi.

Vatongi vedare repamusoro vatatu vakapa mutongo wekuti mutongi mukuru wematare, VaLuke Malaba, vaende pamudyandigere sezvo kuramba vari pabasa kuri kutyora bumbiro remitemo.

VaZiyambi vakabva vatumira mashoko kuvatori venhau nemusi weMugovera vachipomera vatongi vatatu vedare repamusoro vanoti Justice Happias Zhou, Justice Edith Mushore naJustice Helena Charehwa mhosva yekushandiswa nehurumende dzekunze kuda kukonzera kusagadzikana munyika vakati vane humbowo hwezvavaitaura.

VaZiyambi inhengo yeLSZ uye sangano iri rinoti rinokwanisa kuvatorera matanho.

Hatina kukwanisa kubata VaZiyambi nezvetsamba inonzi yanyorwa neLSZ iyi asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vakanyorawo padandemutande ravo reTwitter vachishora Law Society of Zimbabwe vachiti inoshandiswa sembato nevachena vane makambani emagweta.

Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakanyorawo padandemutande ravo reTwitter vachiti hurumende inoremekedza matare edzimhosva uye kuva nerusungunuko kwawo sezvo zvakakosha panyaya yehutongo hwejekerere.

Mumashoko kuvatori venhau, bato guru rinopikisa reMDC Alliance rati VaZiyambi vanofanira kukumbira ruregerero kunyika uye rikati kuvandudzwa kwebumbirio remitemo hakusi pamutemo.

Vachitaura mudare reparamende neChipiri, mumiriri weNorton mudare iri, VaTemba Mliswa, vakati VaZiyambi vanofanira kusiya basa uye kuzotsanangura zvavaitaura kudare.

VaMagaya vaudza Studio 7 kuti vachatora matanho zvichiendererana nemhinduro yaVaZiyambi.

Hurukuro naVaWellington Magaya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG