Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vovigwa neMugovera kwaZvimba


Sign Post for Mugabe Burial
Sign Post for Mugabe Burial

Mutumbi wevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ucharadzikwa pamusha pemufi kwaZvimba neMugovera.

Mutumbi waVaMugabe unonzi uri kutarisirwa kuvigwa muchivanze pamusha pavo mubhuku rekwaKutama muno maZvimba.

Studio 7 nevamwe vatori venhau vemamwe makambani varambidzwa kupinda mumusha waVaMugabe sezvo zvanga zvichinzi mhuri yemufi iri mumusangano usingadiwe vatorwa.

Mumwe muvakidzani asina kuda kudomwa zita rake uyo anoti ambokwanisa kupinda pamusha paVaMugabe nhasi audza Studio7 kuti guva richavigwa VaMugabe riri kuvakwa pakati pechivanze pamusha pavo uye zvinonzi mhuri yemufi yakatora danho iri ichityira kuti mutumbi wemufi ungazobiwa ukashandiswa zvisirizvo nevanhu vezvematongerwo enyika vavasina kudoma nemazita

Amai vatataura navo ava vati chikonzero ichi ndicho chiri kuita VaMugabe vasaradzikwe kumarinda akaradzikwa dzimwe hama dzavo kusanganisira amai vavo, Amai Bona Mugabe.

Mumwe mugari, VaMadenyika Kutama, vaudza Studio 7 kuti vafara kuti zvido zvemufi zvekuti azovigwa kumusha kwake zvakwanisa kutevedzerwa kunyange hazvo hurumende yanga ichida kuti VaMugabe vavigwe kumarinda anovigwa magamba enyika kuHeroes Acre.

Sachigaro weZanu PF munhauranda yekwaKutama, VaTinos Manongovere, vati vari kufara zvikuru kuti VaMugabe vave kuzovigwa kumusha kwavo vachiti mufi akabviswa hugamba hwese pavakabviswa pahutongi naVaEmmerson Mnangagwa vachibatsirwa nemauto muna Mbudzi 2017.

VaMugabe vakambenge vanzi vachavigwa kuHeroes Acre asi mhuri yavo yakazotora danho rekuti vavigwe kuno kwaZvimba izvo zvakatambirwa nehurumende ichiti inokoshesa zvido zvemhuri.

Mumwe mugari webhuku rekwa Kutamba aramba kudomwa nezita ati vagari vemunzvimbo ino vazhinji havasi kuda kuti VaMnangagwa vange varipo pakuvigwa kwaVaMugabe.

Vamwe vaane ruzivo nezviri kuitika mumhuri yemufi vanoti pane kukavadzana kuripo pakati pehama dzemufi nemudzimi wake, Amai Grace Mugabe, avo vanonzi havana kuudza vehukama panguva yairwara VaMugabe kuti hama yavo yainge yorwara.

Zvinzonziwo madzishe akadzingwa kuBlue Roof mushure mekunge Amai Mugabe vawana runyerekupe rwekuti madzishe ainge apihwa mari nehurumende kuti avanyengetedze kuti VaMugabe varadzikwe kuHeroes Acre zvinonzi zvakazoita kuti madzishe aya adzingwe kuBlue Roof marimwezuro.

Hatina kukwanisa kutaura naAmai Mugabe sezvo vanga vari mumusangano nevemhuri.

Hatina kukwanisa kutaura naIshe Dununu Zvimba avo vane zita rekuberekwa rekuti Raphael Zvikaramba sezvo nharembozha yavo yanga isiri kupinda.

Asi vane ruzivo nezviri pamusha paVaMugabe vanoti mufi acharadzikwa nemadzishe pachivanhu.

Mashoko aburitswa nebepanhau reZimbabwe Morning Post anoti VaMnangagwa vachange vasipo pakubvigwa kwaVaMugabe vachinzi vachange vakamirirwa negurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika VaCain Mathema pachavigwa VaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG