WASHINGTON DC —
Mumwe wevatevedzeri vemukuru wesangano reInternational Labour Organisation, ILO, uye vari mukuru wedunhu reAfrica, VaAeneas Chapinga Chuma, avo vanga vachishanya muZimbabwe kwemazuva matatu, vapeta rwendo rwavo mushure mekusangana nesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, pamwe negurukota rezvezviwanikwa, Savior Kasukuwere, muHarare.
VaChuma, avo vanove chizvarwa cheZimbabwe, neChipiri vakasanganawo nevamiriri vesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, ZCTU, mushure mekusanganawo negurukota rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, chikwata cheUnited Nations chemunyika, pamwe negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.
VaChuma vanonzi vakatanga kusangana negurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, neMuvhuro mushure mekusvika kwavo munyika manheru emusi wesvondo.
Misangano yose iyi inonzi yaive yekupa VaChuma mukana wekunzwisisa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.
Vakapinda munyika vachibva kuNamibia kumusangano weILO. Studio 7 yakundikana kubata VaChuma kuti tinzwe nezverwendo rwavo urwu.
Asi mukuru weEMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti nyika iri kufara zvikuru nekuve nechizvarwa cheZimbabwe chave muchinzvimbo chepamusoro muILO.
Vanotiwo kuvapo kwaVaChuma mu ILO zvinogonawo kubatsira mukugadziriswa kwematambudziko anenge akatarisana nenyika.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanotiwo vanotarisirawo kuti kuvepo kwaVaChuma kuchabatsira mugadzirisa hukama pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende munhaurirano.
Ivo VaChuma vanonzi vakazivisawo kuti varonga nehurumende kuti vachaita kuti vasangane nemapoka matatu aya kumusangano weILO uchaitwa muna Chikumi
kuGeneva.