Accessibility links

Breaking News

Kunetsana muApex Kotanga Zvakare


Pava nekusawirirana kukuru pakati pemasangano anomirira vashandi vehurumende, zvichitevera danho rakatorwa nemutungamiri weZimta, uye vakambotungamira sangano reApex Council, Amai Tendai Chikowore, rekunyorera gurukota rezvevashandi vehurumende tsamba vachida mvumo yekuti ivo nekomiti yavaive nayo muApex Council, vatungamire zvakare nhaurirano dzemihoro.

Zimta inoti Amai Chikowore vakatora danho iri mushure mekuona kuti papera mwedzi yakawanda pasina chafamba panhaurirano, sezvo gurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, vakaramba kuita hurukuro neApex Council, vachiti itange yagadzirisa makakatanwa aripo pamusoro pehutungamiri, izvo zvinonzi zvatadzisa kuti paitwe nhaurirano pamusoro pemari dzinotambirwa nevashandi vehurumende.

Mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rakaronga danho iri raona kuti pakanga patora nguva huru pasina kutaurirana pakati pevashandi nehurumende.

Asi mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti kunyange zvakambotaurwa sepfungwa yekutsvaga nzira dzekumutsiridza nadzo nhaurirano, sangano ravo harina kuwirirana nedanho rakatorwa naAmai Chikowore iri, sezvo Apex Council iine hutungamiri huripo.

Mutungamiri weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanotiwo pfungwa yaivepo yaive yekuti kana yatambirwa, Amai Chikowore nechikwata chavo vaizotungamira nhaurirano kwemwedzi mitatu chete, kwete kuti vaibva vatora zvakare hutungamiri hweApex Council.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG