Accessibility links

Breaking News

Kuvharwa kweZvitoro Kwokonzera Kugeda Geda kweMeno Munyika


Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Elliot Mashocha, avo vanodzidzisa paDevry University, kuOhio muAmerica, vanoti vave kutyira kuti dambudziko rezvehupfumi munyika richatonyanya kukomba sezvo zvave pachena kuti hurumende haina hurongwa hwakati tsvikiti hwekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaburitsa mashoko ekuti makata anoshura materu uye zvinhu zvichagadziriswa munguva inotevera vanhu vakapfavira ngoma sezvo husiku huri hurefu.

Munyika mune matambudziko makukutu anosanganisira kushayikwa kwemari mumabhanga uye kushaya simba kwemari yemabond notes uye yeRTG’s iri mumabhanga kana pamakadhi akaita seEcocash neOne Wallet.

Zvitoro zvakawanda munyika, kusanganisira Chicken Inn, KFC, nezvimwe zvinotengesa mishonga zvambovharwa.

Zvitoro izvi zviri kuvhara zvichiti hazvina mari yekuAmerica yekutenga zvinhu zvekutengesa.

Zvinhu zviri kushomeka muzvitoro zvinosanganisira shuga, furawa, Mazowe, munyu wakatsetseka nezvimwe. Mafuta ekufambisa dzimotokari ari kunetsawo uye mhando yemoto wekubikisa inoshandiswa nevakawanda yegasi.

Kuyedza kugadzirisa dambudziko iri, gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vanoti vakawana chikwereti chemari inosvika mamiriyoni mazana mashanu kubva kubhanga reAfriexim Bank.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehuphumi dzinoti uku kuteya nzou neriva nekuti hapana chinobuda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG