Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKuverengwa kweVanhu Chotanga neMugovera


Mutevedzeri weMutungamiri weHurumende, VaArthur Mutambara
Hurumende yazivisa kuti chirongwa chekudzidzisa vanhu vachange vachiverenga vanhu muchirongwa chekuverenga kuti munyika mune vanhu vangani chichatanga neMugovera.

Izvi zvinotevera kumbomiswa kwakaitwa chirongwa ichi neChina hurumende ichiti pane vanhu vasina kukodzera vanga vachizvimanikidza kupinda muchirongwa ichi.

Mutevedzeri wemutungamiri hurumende, Va Arthur Mutambara, pamwe nevakafanobata chigaro chegurukota rezvemari, Va Gorden Moyo, vaita musangano negurukota rinowona nezvekudzivirirwa kwenyika, Va Emmerson Mnangagwa, gurukota rinowona nezvevasori, Va Sidney Sekeramayi, pamwe nemakurukota maviri anowona nezvinoitika mukati menyika, Va Kembo Mohadi na Amai Theresa Makone, nechinangwa chekugadzirisa nyaya yekunetsa kuri kuita vari muchiuto vari kuda kupinda muchirongwa chekuverenga kuti munyika mune vanhu vangani.

Vachitaura nevatori venhau muHarare mushure memusangano uyu, Va Moyo vati pave nekuwirirana kuti masoja achange achiitei muchirongwa ichi, uye kudzidziswa kwevanhu kuchatanga neMugovera kusvika neChipiri svondo rinouya.

Va Mutambara vatiwo musangano wavo wabvumirana kuti vari muchiuto vaite zvavakangoita pakaitwa hurongwa hwekuverengwa kwevanhu makore apfuura zvichireva kuti vachange vachichengetedza runyararo nekuverenga vanhu vanogara mumakamba emasoja nemapurisa.

Vaenderera mberi vachiti zvichaitwa nemasoja mukuverengwa kwevanhu uku hazvinei nemafambisirwo esarudzo dzakatarisirwa kuitwa munyika gore rinouya sezvo mapato maviri eMDC achiti masoja haafaniri kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaMutambara vataura izvi mushure mekunge vabvunzwa nemumwe mutori wenhau kuti masoja haazonetse here munguva yesarudzo kana akabvumidzwa kuverenga vanhu mumakamba mavanogara iye zvino. Vati uku kukurumidza kumedza kutsenga kuchada.

Chirongwa ichi chakambomiswa neChina mushure mematambudziko aisangana nehurumende ekuti masoja aida kuenda pamberi pechirongwa ichi nekune rumwe rutivi zvakare hurumende ichiti vamwe vanhu vaida kupinda muchirongwa ichi vaiva vasina dzidzo yakakwana inokodzera kuti vaite basa iri.

Chirongwa chekuverenga vanhu chakakoshera hurumende kuitira kuti iwone marongero emafambisiro ainoita basa uye zvichabuda muchirongwa ichi zvinoda kushandiswa zvakare musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rinouya.
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG