Accessibility links

Breaking News

Kutsva kweNdebvu Tinodzimurana: VaMnangagwa Votenda SADC neRutsigiro Rwekuti Zvirango Zvibviswe


VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weMozambique VaFilipe Nyusi
VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weMozambique VaFilipe Nyusi

Zimbabwe nemusi weSvondo yakacherechedza zuva rekurwisana nezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vavo vari mubato reZanu PF.

Asi vamwe vanopikisa vanoti nyaya yekutonga nedemo ndiyo yopa kuti nyika iite seyakageza negokamunyama.

VaMnangagwa vakatura mashoko kunyika vachiti zvirango, zvakabatana nekurwiswa kwenyika pamadandemutande, zviri kukanganisa nyika munyaya dzezvehupfumi uye kurwisa chirwere cheCovid-19.

Vakatendawo nyika dzemuSADC nekumira neZimbabwe vachiti kutsva kwendebvu varume vanodzimurana. VaMnangagwa vanoti chimwe chinangwa chezvirango ndechekuda kupidigura hurumende yavo.

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika yeMozambique, vari sachigaro weSADC VaFilipe Nyusi mumashoko avo kuvatori venhau vakurudzira America neEuropean Union kuti vabvise zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri venyika yeZimbabwe nemakambani avanodyidzana nawo mashoma vachiti zviri kukanganisa hupfumi hwenyika yeZimbabwe.

VaNyusi vati zvirango izvi kana zvisina kuropafadzwa neUnited Nations zvinotyora mirawo yekudyidzana pasi rose.

Sachigaro wedare remakurukota eSADC Amai Veronica Nataniel Macamo Dlovo vekuMozambique vanyorerawa tsamba kugurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMike Pompeo vachiti zvirango ngazvibsiwe sezvo zviri kukonzera matambudziko kuvanhu vemuZimbabwe nedunhu reSADC.

Nekune rumwe rutivi, bazi rinoona nezvinoitika kunze kwenyika muhurumende yeSouth Africa raburitsawo mashoko richiti rinotsigirawo danho rakatorwa neSADC rekuti zvirango zvakataemerwa Zimbabwe zvinofanira kubviswa.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica neEuropean Union zvinofanira kubviswa sezvo vachiti zvirango izvi hazvisi pamurawu uye zviri kurwadza ruzhinji rweZimbabwe.

VaMugwadi vati dzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern African Development Community kana kuti SADC dziri kukanganiswawo nezvirango izvi.

Vanoshanda mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muMDCT inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe uye vari mumiriri weHatfield muparamende, VaTapiwa Mashakada, vati zvirango izvi zvinofanira kubviswa kuitira kuti Zanu PF isahwande nemunwe kana ichitadza kufambisa zvinhu zvakanaka munyika.

VaMashakada vatiwo panofanira kuita nhaurirano dzekuti zvakambokonzeresa kuti zvirango izvi zviiswe zvigadziriswe.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo vanoti Zimbabwe iri kuzvitemera yega zvirango nekusada kukoshesa kodzero dzevanhu.

Vanhu vataurwo neStudio 7 varatidza kuve nemaonero akasiyana vamwe vachiti zvirango zvakanganisa hupfumi vamwe vachiti huori nekutonga nedemo zvakanganisa nyika.

Asi kunyangwe Zimbabwe iri kurova bembera ichiti zvirango zviri kupa kuti isakwereteswe mari uye kutadza kutengesa zvinhu kunze, America neEU dzinoti izvi ndezvemugotsia matsuro. Nyika mbiri idzi dzinoti Zimbabwe iri kushaya anoikweretesa mari nenyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti uye huori hunotyisa hwaona nyika ichirasikirwa nemari inosvika bhiriyoni imwe chete pagore.

Mutevedzeri wemukuru munyaya dzezvekudyidzana neArica muhurumende yeAmerira kana kuti Deputy Assistant Secretary of State for African Affairs VaMathew Harrington vanoti Zimbabwe inoziva zvinoda kuitwa kuti zvirango zvibviswe.

Nekuda kwekutyira kupararira kwechirwere cheCovid-19, kuratidzira kwakanyanya kwaitwa nezvikwata zvevanhu vashoma shoma vange vachitenderera nedzimotokari vachikurudzira kuti zvirango zvibviswe. Izvi zvaitika kuKariba, Lupane, Matabeleland South, Goromonzi, Uzumba Maramba Pfungwe, Bindura, Mrewa, Chinhoyi nekune dzimwe nzvimbo.

Ku South Africa nevebato reZanu-PF nevamwe vashoma kubva kuANC vakaforawo muPretoria. Kubva nenguva dza6 manheru neMugovera kusvika mangwanani dza 6 mangwanani emusi weSvondo, vaimbi vakasiyana siyana vange vachiimbawo vari kuBulawayo , Rainbow Hotel muchirongwa change chichinzi Anti-Sanctions Virtual Gala.

Zvichakadai dzimwe nhengo dzesangano reBroad Alliance dzakaswera pamuzinda weAmerica muHarare dzakatakura zvinyorwa zvanga zvichikurudzira kuti zvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe vavo zvibviswe.

NeMuvhuro, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBotswana zvinonzi zviri kuronga kuratidzirawo kubva pamuzinda weZimbabwe zvichienda kumuzinda weSADC nechinangwa chimwechetecho.

SADC yakaita chisungo chekutara zuva rekuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende yeZimbabwe zvibviswe kumusangano wayo wakaitwa ku in Dar es Salaam, Tanzania gore rapera.

Asi mumiriri weAmerica muZimbabwe VaBrian Nichols vakaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inofanira kutonga nejekerere chete kuti zvirango zvibviswe kwete kungotaura kuti zvibviswe pasina zvairi kuita.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG