Accessibility links

Breaking News

Kutongwa kweGurukota rezveMhando Dzemoto, VaElton Mangoma Kunosimudzirwa


Kutongwa kwenyaya iri kupomerwa kugurukota rinowona nezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, yekushandisa chinzvimbo chavo zvisizvo pakutengwa kwakaitwa mafuta kubva kuneimwe kambani yekuSouth Africa munaNdira, kwasimudzirwa zvakare mudare repamusoro.

Nyaya iyi yakanga yambosendekwa mwedzi miviri yadarika nekuda kwekumbovharwa kwakaitwa chikamu chekutongwa kwedzimhosva mudare repamusoro.

Mukuenderera mberi kwaita nyaya iyi mudare vachi bvunzurudzwa nemuchuchisi wehurumende VaChris Mutangadura, munyori mubazi rezvemhando dzemoto, VaJustin Mupamhanga, vati makambani ose anotengesera Zimbabwe anotanga aenda kutender, izvo zvinopikisana nezvavakambotaura pakazeyewa nyaya iyi mudare mwedzi miviri yapfuura apo vakati mutemo unobvumidza kuti mafuta atengwe pasina kuendwa kutender.

VaMupamhanga vati pane makambani emunyika aka gazetwa nehurumende kuti ndiwo anokwanisa kutengesera hurumende mafuta, kozoitawo mamwe ekunze.

Izvi zvapa muchuchisi wenyaya iyi kuti akumbire kudare kuti abvumidzwe kubuditsa gwaro rine makambani ekunze aya asi gweta raVaMangoma, Amai Beatrice Mtetwa vapikisa izvi vachiti zvanga zvoda kuitwa nehurumende zvakafanana nekuchinja nyaya. Amai Mtetwa vati hapana mutemo munyika unobvumidza kuti izvi zviitwe.

Asi VaMutangadura vati vanga vachishandisa mutemo weRoman Dutch Law pamwe nemutongo wakamboturwa mudare rekuSouth Africa muna 1927, uyo unoti kana muchuchisi wenyaya ane zvaanoda kubvunza zvinenge zvabuda pakati pebvunzurudzo kana kuti cross examination, anogona kubvunzurudza chete kana achinge apihwa mvumo nedare.

Mutongi wedare VaChinembiri Bhunu vati vachapa mutongo wavo neChitatu svondo rino panyaya iyi.

Zvichakadai, Amai Mtetwa vakumbira dare kuti vamangoma vapihwe pasipoti yavo kuti vabvumidzwe kuenda kumusangano wesadc wakatarisirwa kuitwa nechishanu svondo rino muguta rewindhoek kunamibia.

Asi vamutangadura vati magweta avamangoma anokwanisa kuenda kuhofisi kwavo kuti vazotaurirana nezvepasipoti kana zvava kuzivikanwa kuti musangano wesadc wacho uchabudirira here kana kuti kwete.

VaMangoma ndemumwe wevari kufambisa nhaurirano pakati peZanu PF nemapoka maviri eMDC, vakamirira MDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai.

VaMangoma vari kupomerwa mhosva yekushandisa chinzvimbo chavo zvisizvo pakutengwa kunonzi kwakaitwa dhiziri rinokosha mamiriyoni mashanu emadhora munaNdira wegore rino kubva kukambani yeNooa Petroleum yekuSouth Africa, pasina kuendwa kutender sezvinodiwa nemutemo.

Pakambozeyiwa nyaya iyi mudare mwedzi miviri yadarika, VaMupamhanga vakati mafuta aya akange atengwa kukambani yeMowhelere Trading, kwete zviri kutaurwa mumapepa ehurumende akasvitswa kudare.

Vamangoma vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

XS
SM
MD
LG