Accessibility links

Breaking News

Kutongwa kwaVaMangoma Kunopinda Muzuva reChipiri


Kutongwa kwegurukota rezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, kwapinda muzuva rechipiri neChitatu mufakazi wehurumende wekutanga achibvunzurudzwa negweta raVaMangoma, Amai Beatrice Mtetwa.

Mufakazi uyu, VaJustin Mupamhanga, avo vanove zvakare munyori mubazi raVaMangoma, vabvuma kuti chibvumirano chekutenga dhiziri hachina kusainiranwa nekambani yekuSouth Africa, ye Nooa Petroleum sezviri kutaurwa nehurumende.

Vachibvunzurudzwa naAmai Mtetwa, VaMupamhanga vati chibvumirano ichi chakanyoreranwa pakati pe Petrotrade nekambani ye Mowhelere Trading. Vati izvi vakazviwona asi havana kuzivisa VaMangoma kana kuvabvunza kuti sei Nooa yanga isipo pachibvumirano ichi vachiti vaiona sokuti vainge vazvidza VaMangoma avo vavati ndivo vakavaudza nezvekambani yeNooa Petroleum.

Asi VaMupamhanga vati mutsvagiridzo yavakaita, zvakabuda pachena kuti Nooa Petroleum yaishanda senhumwa ye Mowhelere Trading. Vati vakafanobata chigaro chemutungamiri wePetrotrade, inova kambani iri pasi pe Noczim, VaGriefshaw Revanewako, ndivo vakanyorerwa tsambambozha nevanzi vanonzi VaPhiri veNooa Petroleum vachivaudza kuti Nooa Petroleum yaiva ichishanda yakamirira Mowhelere Trading.

VaMupamhanga vati havazivi kuti chii chakaitika kuti Petrotrade izosainirana chibvumirano ichi neMowhelere Trading kunyange hazvo vaudza dare kuti ndivo sachigaro webhodhi re Petrotrade uye varivo vanowona nezvekushandiswa kwemari dzebazi rezvemhando dzemoto.

VaMupamhanga vati VaMangoma vakaudza mukuru anowona nezvemafuta mubazi, VaMorgan Mudzinganyama, kuti mafuta atengwe kubva kukambani yeNooa Petroleum pasina kuendwa ku tenda kunyange dhiziri iri risina kuzotengwa kukambani yeNooa Petroleum.

VaMupamhanga, avo vaudza dare kuti vakamboshandira sangano revasori, vaudzawo dare kuti mari inobva muhomwe yebazi ravo yestrategic reserves fund yaigara ichishandiswa kutenga mafuta kubva kumakambani asina kugazetwa kubva Va Mangoma vasati vambogadzwa segurukota rebazi rezvemhando dzemoto izvo zvashorwa naAmai Mtetwa vachiti zvaiva kunze kwemutemo we procurement act uye vati zvinoshamisa kuti sei pasina akasungwa.

Vaenderera mberi vachiti nyika yakanga yasvika pakaoma pakatengwa mafuta aya vachiti peturu nedhiziri zvaiva mumatangi enyika anochengeta mafuta zvanga zvave kupwa zvokuti zvaisakwanira nyika kana kwezuva rimwe chete zvaro. Va Mupamhanga vati panga pasina mafuta aiuya kubva kumakambani ekunze aiwanzotengesera nyika mafuta akaita IPG yeku Kuwait, vachiti Zimbabwe yakanga isina mari yakakwana izvo zvakazopa kuti pashandiswe mari yemustrategic reserves fund.

VaMupamhanga vachaenderera mberi nekubvunzurudzwa naAmai Mtetwa neChina.

Hurumende iri kupomera VaMangoma mhosva yokushandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo pakutengwa kwainoti kwakaitwa dhiziri rinokosha mamiriyoni mashanu emadhora kukambani ye Nooa Petroleum.


Asi VaMangoma vari kuramba mhosva iyi vachiti zvinhu zvose zvakaitwa zviri pachena.

XS
SM
MD
LG