Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vangabvisa Here Zvirango Zvakatemerwa Vamwe Vakuru muZimbabwe?


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Nemusi weChitatu VaJoe Biden vakatora mhiko yekutungamira America kwemakore mana anotevera muchiitiko chainge chakatariswa nepasi rose kusanganisirawo nyika yeZimbabwe iyo ine vatungamiri vakatemerwa zvirango neAmerica vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Asi vakuru vehurumende ava vanoti chakapa kuti vatemerwe zvirango inyaya yekuti vakatora minda kubva kuvachena vachipa vatema.

Zvirango izvi zvange zvichiwedzerwa gore roga roga kubva muna 2004 uye zviri kutarisirwa kuwedzerwa zvekare muna Kurume naVaBiden.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakanyora padandemutande ravo reTwitter kuti America haikwanise kumira pachuru ichitsiura Zimbabwe nezvekodzero dzevanhu mushure mebatamurefu bata mupfupi yakaitika padare reparamende reCapitol Hill apo vatsigiri vevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vakaita mhirizhonga vachiramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Asi muzinda weAmerica muZimbabwe wakabva watiwo Zimbabwe inofanira kuferefeta kuurayiwa kwakaitwa vanhu, kubatwa chibharo uye kutochwa kwevamwe vairatidzira nemauto muna Ndira 2019.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti havaone zvirango zvichbviswa kana Zimbabwe isiri kuremekedza kodzero dzevanhu.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika vari nhengo yeZanu-PF, VaKindness Paradza, vanoti hapana chikonzero chekuti zvirango zvirango zvirambe zviripo vachiti Zimbabwe iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya.

Hurukuro naVaKidness Paradza naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG