Accessibility links

Breaking News

Kushomeka kweMari Kwopa Kuti veMaindustry Vaderedze Zvavari Kugadzira


Coca-Cola
Coca-Cola

Mutungamiri weConfedaration of Zimbabwe Industries VaSifelani Jabangwe vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vemabhizimisi zvekuti vakawanda vaderedza huwandu hwezvavanogadzira nenyaya yekushomeka kwemari yekunze inodiwa mukutenga zvimwe zvinhu.

Hurukuro naVaSifelani Jabengwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya yekushomeka kwemari yapawo kuti munyika mushaikwe mafuta ekufambisa dzimotokari, chingwa uye zvinwiwa zvakaita seCoca Cola.

Asi gurukota rezvemaindustry VaMangaliso Ndlovu vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kuyedza napose painogona kupedza dambudziko iri ichikurudzira kuti vemakambani vagadzire zvekutengesa kunze uye kuti Zimbabwe ikwanise kurima zvinhu zvakaita sembatatisi, soya beans, gorosi nezvimwe.

Mashoko aVaMangaliso Ndlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu iri kutyirwa kuti ichapawo kuti vamwe vanhu varasikirwe nemabasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG