Mutungamiri weConfedaration of Zimbabwe Industries VaSifelani Jabangwe vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vemabhizimisi zvekuti vakawanda vaderedza huwandu hwezvavanogadzira nenyaya yekushomeka kwemari yekunze inodiwa mukutenga zvimwe zvinhu.
Nyaya yekushomeka kwemari yapawo kuti munyika mushaikwe mafuta ekufambisa dzimotokari, chingwa uye zvinwiwa zvakaita seCoca Cola.
Asi gurukota rezvemaindustry VaMangaliso Ndlovu vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kuyedza napose painogona kupedza dambudziko iri ichikurudzira kuti vemakambani vagadzire zvekutengesa kunze uye kuti Zimbabwe ikwanise kurima zvinhu zvakaita sembatatisi, soya beans, gorosi nezvimwe.
Nyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu iri kutyirwa kuti ichapawo kuti vamwe vanhu varasikirwe nemabasa.
Facebook Forum