Accessibility links

Breaking News

Kushomeka kweMapiritsi eTB Kwoisa Hupenyu hweVarwere muNjodzi


Most TB patients who exhibit TB symptoms such as dry coughs usually buy medicines at a local chemist, like the one in the picture. Early diagnosis is important in treating most TB cases. And few Chemists stock TB drugs because they are readily available
Most TB patients who exhibit TB symptoms such as dry coughs usually buy medicines at a local chemist, like the one in the picture. Early diagnosis is important in treating most TB cases. And few Chemists stock TB drugs because they are readily available

Vanhu vanechirwere cherurindi vanoti vave kutyira hutano hwavo zvakanyanya sezvo mapiritsi ekurapa chirwere ichi ari kushomeka.

Varwere ava vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise dambudziko iri. Vane chirwere cherurindi vazhinji vange vave kumwa piritsi rimwechete panguva imwe inonzi pachirungu Fixed Dose Combination, asi mapiritsi aya ave kunetsa kuwana kunyanya muzvipatara zvehurumende.

Amai Sekesai Tsiga ndeumwe wevanga vachishandisa mapiritsi aya. Vanoti pavakashanyira chimwe chipatara chehurumende muHarare vakangowana mapiritsi mashoma shoma uye vave kutyira hupenyu hwavo.

Muzvare Eulidis Sharare vanochengetawo murwere ane rurindi vaudza Studio 7 kuti vakashairawo murwere wavo mapiritsi anongomwiwa kamwe chete aya.

Vanoti vakapedzisira votenga mapiritsi anomwiwa akawanda panguva imwe chete. Muzvare Sharare vati murwere wavo ari kutambudzika zvikuru nekutora mapiritsi akawanda.

Chiremba vanoshanda nesangano reDoctor’s for Human Rights VaEvans Masitara vati kushaikwa kwemapiritsi erurindi kunoisa varwere panjodzi yekuti mishonga iyi inozogona kutadza kushanda. Vakurudzira hurumende kuti iwone kuti mishonga iyi yawanikwa zvinhu zvisati zvaiita manyama amire nerongo.

VaMasitara vatiwo hurumende inofanirwa kusiya zvekuvimba nemasangano anobatsira, voisa mari yakawanda mubhajeti yebazi rezvehutano kuti nyika igare iine mari yekutenga mishonga.

Bazi rezvehutano mumagwaro rayakaburitsa rinotenda kuti mamwe mapiritsi ari kushomeka. Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nekuti mapiritsi anotengwa kunze kwenyika uye anombononoka kuuya.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinotiwo Zimbabwe inofanira kugadzira mapiritsi ayo sezvaimboitwa nemakambani akaita seCaps.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG