Vamwe vagari vekuChimanimani vari kukurudzira hurumende kuti iuye ivatorese zvitupa vachiti izvi zviri kuvakanganisa kuwana chikafu sezvo vamwe vevari kupa chikafu vari kuda kuti vaburitse zvitupa pakuvatambirisa chikafu zvichitevera Mafashamu eCyclone Idai.
Vamwe vagari vekuChimanimani vakaita saAmai Sarudzai Kubvenyika vanoti vari kutadza kutambira chikafu chiri kutambiriswa vanhu nehurumende nemamwe masangano ari kubatsira nechikafu nepamusana pekuti havana zvitupa.
Amai Kubvenyika vanoti vanhu vazhinji vakasara vasina mapepa anoita kuti vazikanwe kuti ndivanani zvichitevera mafashamu eCyclone Idai ayo akayeredza zvinhu zvavo zvese zvinosanganisira zvitupa, chikafu, mbatya nezvipfuwo. Izvi zvakatsinhirwa naVaHerbert Mapuka vekuChipinge.
VaMapuka vanoti hurumende inofanira kuuya kunzvimbo dzavagere nekukasika yopa vanhu pachena zvitupa nekukasika kuitira kuti vakwanise kuwana chikafu chiri kutambiriswa vanhu.
Vamwe vanhu vanotiwo zvakanetsa kuviga hama dzavo dzakafa mumafashamu aya sezvo mapepa ainge asipo. Asi hurumende yakatenda kuti pane dambudziko ikavimbisa kuti ichatumira vanhu vekwamudzviti kuti vashande vari kuChimanimani neChipinge.
Zvichakadai, mumwe wemasabhuku emuChimanimani uye vachimirira bhuku rekwaManzou kunzvimbo yeSkline muChimanimani, VaCharles Manzou vanoti dai hurumende yaendesera vanhu chikafu munzvimbo dzavanogara kupihwa kwechikafu kuvanhu kotungamirirwa nemasabhuku sezvo vachiti masabhuku ndiwo anoziva vanhu vaanogara navo pane kuti vanhu vanobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana vaungane panzvimbo imwechete.
Gurukota rinoona nezvemagariro evanhu Doctor Sekai Nzenza vaunza Studio 7 kuti kuendesa chikafu kune dzimwe nzvimbo kwange kuchinetsa asi zvave nani sezvo nzvimbo dzakawanda dzave kufambika sezvo mauto ari kugadzira mazambuko.
Facebook Forum