Accessibility links

Breaking News

Kushandiswa kweMitemo yeRhodesia Kwopa Kuti Vanhu Vatorerwe Minda neMakambani ekuChina


VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping
VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo nekodzero dzevanhu dzinoti mitemo yeminda uye yezvicherwa isina kuvandudzwa kubva munguva yeRhodesia ndiyo yave kupa kuti vari mumamisha vakawanda vagare vakabatira hura mumaoko sezvo vave kumanikidzwa kutama vachisiya misha, makuva nenzvimbo dzavanoyeresa.

Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo kune vanhu variMashonaland East kwaKaseke kuUzumba, uye misha inoti Tome, Karimazonde, Kahwa neKatsukunya kwaMutoko uye kuChikomba kuChivhu.

Vanhu ava vari kutamiswakuitira kuti makambani ekuChina achere matambo akakosha eGranite.

Vamwe vakatarisana nekutamiswa vari kuChipinge Manicaland neChilonga kuChiredzi.

Minda iyi iri kupihwa makambani evachena vanonzi vanodyidzana nehurumende.

Pasi pemutemo weCommunal Areas Act, mutungamiri wenyika ndiye ane masimba ekuona kuti minda iri kumamisha iyi yashandiswa sei.

Vanhu vemumaruwa havana magwaro kana kuti maTittle Deeds uye mitemo iripo inonzi haisi kunyatsovachengetedza.

Gweta rinombomirira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti mitemo inofanira kuvandudzwa.

Mukuru werimwe sangano rinoona nezvekodzero dzevanhu munharaunda dzine zviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti hurumende iri kukundikana kuona kuti kodzero dzevanhu vari kumaruwa dzachengetedza.

Vatendawo kuti mitemo ivandudzwe.

Hurukuro naVaFarai Maguwu naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG