Accessibility links

Breaking News

Kushandiswa kweKondomu reMadzimai Kunonzi Kuri kuKwira


Sangano reZimbabwe National Family Planning Council rakati kushandiswa kwemakondomu evanhukadzi kuri kuramba kwakadzikira kana zvichienzaniswa nekushandiswa kwemakondomu evanhurume.

Sangano iri rakati izvi zviri kukonzerwa nekusakwanisa kukurukurwa kwenzira dzepabonde dzekuzvidzivirira nevanhukadzi.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano iri, VaSimon Chikwizo, vakaudza vatori venhau kuti kushandiswa kwemakondomu kuri kuramba kuri pamusoro kunze kwemichato, asi kodzikira zvikuru muvanhu vakaroorana, vachiti zvinodawo kuti vanhurume vapindirewo mukushambadzwa kwekondomu remadzimai iri.

Asi sangano reNational Aids Council pamwe nebazi rezvehutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana wati Zimbabwe ndiyo iri pamberi mudunhu reAfrica mukushandiswa kwekondomu remadzimai iri.

National Male Circumcision and Condom Program Coordinator mubazi rezvehutano, VaSinokuthemba Qaba vaudza Studio 7 kuti havawirirane nemashoko ekuti makondomu evanhukadzi haasi kunyanya kushandiswa, sezvo huwandu hweakapiwa kuvanhu hwakakwira kudarika mamiriyoni mashanu mugore rino ra2011.

XS
SM
MD
LG