Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Dzoramba Dzopesana paNyaya yeBumbiro Idzva


Kusawirirana pakati peMDC neZanu-PF mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo kuri kuramba kuchienderera mberi paine kukandiranwa kwemakobvu nematete.

MDC inoti vasori, masoja, vaimbova varwiri vehondo yerusununguko, uye vechidiki veZanu-PF, vari kutyisidzira pamwe nekurova nekupamba nhengo dzavo, izvo zviri kupa kuti vatadze kutaura zvavanofunga panyaya yebumbiro remitemo.

Bato reMDC rinoti kuMashonaland Central mumwe wechidiki webato iri, Zvikomborero Mbiri, akapambwa kuMvurwi akazotiza neChishanu mangwanani.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo riri kumirira kuti vanhu vambopiwa mukana wekutaura zvavanoda pahurongwa uhu risati ratora danho.

KuMatebeleland North vakarwa hondo yerusununguko vanonzi vari kuti vanenge vasina kupa pfungwa dzinoenderana navo vachadzingwa mumisha mavari. Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC vakamirira Zanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka.

Zanu-PF inoti MDC iri kushanda nevekunze kuda kuvhiringa chirongwa ichi, uye kureva nhema kuti iri kupfuviswa neZanu-PF.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachitaura kuhutungamiri hwebato ravo mumatunhu ose munyika, vakati havasi kuzotambira bumbiro risina zvido zvebato ravo uye vachaona kuti votsigira here zvinenge zvanyorwa muDraft paReferendum.

Asi VaMugabe vanoti vari kufara kuti vanhu veZanu-PF vakawanda ndivo vari kupa pfungwa dzavo.

Kunyange hazvo COPAC nemasangano akazvimirira oga akawirirana kuti havasi kuzoshungurudzwa muchirongwa ichi, mumwe anoongorora hurongwa uhu, anonzi akambochengetedzwa nemapurisa neChina kuChiramhanzu, vakachengetedzwa zvakare neChina kwemaawa mashanu paGweru Rural Police Station.

VaKarikoga Mudzingwa ndivo Regional Co-odinator wemubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga kuMidlands. VaMudzingwa vanoti vakambochengetedzwa nemapurisa neChishanu.

Zvichakadaro, paita ropa rakaipa pakati pemumwe wemasachigaro eCOPAC vachimirira MDC, VaDouglas Mwonzora, nesangano reNational Constitutional Assembly, NCA.

VaMwonzora vakaudza nhepfenyuro yeZBC neChina kuti NCA iri kuronga kuda kuvhiringidza hurongwa hweCOPAC kuManicaland. Asi mutauriri weNCA, VaMaddock Chivasa, vanoti VaMwonzora havasi kutaura chokwadi uye havangavhiringidze hurongwa hwuri musango kare.

XS
SM
MD
LG