Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Haisati Yagadzirira Kuita Sarudzo Dzakachena


Mhirizhonga inonzi iri kuitika munyika kunyange hazvo pave nehurumende yemubatanidzwa

Kusawirirana kuri kuitika muhurumende yemushandira pamwe ndechimwe chinonzi chinogona kutadzisa nyika kuti iite sarudzo dzakachena.

Sangano rinoona nezvesarudzo munyika, reZESN rinoti nyaya dzemhirizhonga dziri kuenderera mberi uye nyaya yekubvumidza kuti vanhu vakazvimirira oga vaite mapepanhau avo hazvisati zvaitwa.

VaWellington Mbofana ndivo mubati wehomwe musangano reZESN.

VaMbofana vanoti kunyange hazvo vezvematongerwo vachiti vari kuda kuita sarudzo, zvinhu hazvisati zvanyatsogadzikana munyika, sezvo kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuenderera mberi.

VaMbofana vanoti zviri pachena kuti sarudzo dzikaitwa zvinhu zvisati zvagadziriswa, pachaitika mhirizhonga, iyo inozotadzisa kuti sarudzo idzi dzitambirwe nemapato ose.

XS
SM
MD
LG