Nyaya yekusapedzwa kwenhaurirano pakati pemapato ari muhurumende yemushandira pamwe inenge yava kuodza mwoyo yevana veZimbabwe vakawanda.
Veruzhinji vari munyika, uye kunze kwenyika, vakanga voti zvinhu zvava kuzonaka mushure mekunge vaimbove muyananisi uye mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vasiira ndima iyi kuna VaJacob Zuma. Vazhinji vaiona VaZuma semunhu akanga asingazotori divi panyaya iyi, uye kuti munhu akanga asingazotambiri zvisina maturo.
Asi nguva yatorwa nenhaurirano idzi kubva pakapinda VaZuma pachigaro, zvava kupa kuti vanhu vabvunzane zvakare kuti “ko pane musiyano here pakati paVaMbeki naVaZuma pamusoro penyaya yeZimbabwe”.
Chikwata chaVaZuma chapinda zvakare munyika neChina kuti chiedze kuenderera mberi nenhaurirano idzi. Asi vazhinji vava kuti kana VaZuma vatadza kugadzirisa nyaya iyi, vadii kuipira kuSADC.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari National Director weNCA, VaErnest Mudzengi, pamwe naPrograms Manager musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, vanoti nekuramba kwenhaurirano idzi dziri mudariro sendiro yekuisa mari yeroora, VaZuma vanofanirwa kurasira nyaya iyi kuSADC kana kuAfrican Union.