Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoti Hapana Kuwirirana Kwavaita neHurumende


Zimbabwe Doctors on Strike
Zimbabwe Doctors on Strike

Vana chiremba vari kuaramwa mabasa vanoti hachisi chokwadi kuti vawirirana nehurumende, uye kuramwa kwavo mabasa kuri kuenderera mberi chero hazvo hurumende yakabuditsa mashoko ekuti vanachiremba navana mukoti vanga vachiramwa mabasa vadzokera kumabasa.

Vana chiremba vari kuaramwa mabasa vanoti hachisi chokwadi kuti vawirirana nehurumende, uye kuramwa kwavo mabasa kuri kuenderera mberi chero hazvo hurumende yakabuditsa mashoko ekuti vanachiremba navana mukoti vanga vachiramwa mabasa vadzokera kumabasa.

Vana chiremba ava vave nemazuva gumi nemanomwe vachiramwa mabasa vachiti vanoda kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe.

Mutauriri wesangano re Zimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mxolisi Ngwenya, vanoti hurumende haisati yawirirana navana chiremba pazvichemo zvakaiswa navana chiremba pavakatanga kuramwa mabasa.

Kuramwa mabasa uku kwakatangira kuzvipatara zveku Bulawayo kukazotekeshera nenyika yese.

Varwere vakawanda havasi kurapwa muzvipatara zvizhinji munyika zvave kukonzera kurasikirwa nehupenyu, kana kuiswa panjodzi kwevarwere vakawanda.

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti vana chiremba vanodarika chiuru vari kuramwa mabasa avo vachiti vanoda kuti hurumende igadzirise zvichemo zvemari shoma dzavanotambira.

Dr Mxolisi Ngwenya vanoti dai hurumende yanga yagona kutaura navanachiremba vagadzirisa zviri kunetsa pane kungotaura vachiti vagadzirisa zvino ivo vasina chavati vaita nezvazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG