Accessibility links

Breaking News

Kupindira kweMauto Munyaya dzezveMatongerwo eNyika Kunonzi Kwakanganisa Matapirwo eNhau


Mauto eZimbabwe
Mauto eZimbabwe

Imwe ongororo yakaitwa nesangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe inoratidza kuti kupindira kwakaitwa nevechiuto mune zvematongerwo enyika kwakavhiringidza mashandiro evatori venhau.

Ongororo iyi iyo inonzi State of Ethics in Zimbabwe yakaitwa ichinyanyotarisa mashandiro evatapi venhau panguva yesarudzo dzakaitwa munyika muna Chikunguru.

Vachitaura neStudio 7 mushure memusangano wekuzeya zvakabuda muongororo iyi waitwa muBulawayo nhasi, mukuru weVoluntary Media Council of Zimbabwe, VMCZ, VaLoughty Dube vati zvimwe zvakabuda muongororo iyi zvinosanganisira nyaya yekuti kupindira kwakaita vechiuto mune zvematongerwo enyika kwakaita kuti vatori venhau vaite basa ravo vachitya.

Vati ongororo iyi yakaratidzawo kuti vatori venhau vanongotaura chete zvinenge zvataurwa nevakuru vakuru vehurumende kana mune zvematongerwo enyika pasina hudzamu hwekubvunzurudza kana kutarisisa zvinenge zvataurwa izvi.

Zvimwe zvakabudawo muongororo iyi zvinoratidza kuti mapepanhau nenhepfenyuro dzehurumende zvinoshanda zvakarerekera kudivi rimwe chete rebato riri kutonga.

Murwiri wekodzero dzekutorwa kwenhau pamwe nekufambiswa kwemashoko pasina kumbunyikidzwa VaNhlanhla Ngwenya avo vange varipowo pamusangano uyu vaudza Studio 7 kuti dzimwe nguva mashandiro anoita mapepanhau nenhepfenyuro dzehurumende kunokanganisa mabasa ekutapwa kwenhau.

Imwe ongororo yakaitwa neVMCZ mugore ra2013 iyo yaitarisawo mashandiro evatori venhau munyika yakaburitsa kuti vamwe vatori venhau vaikumbira kana kutambira chiokomuhomwe kubva kuvanhu vakasiyana-siyana.

VaDube vati ongororo yegore rino inoratidzazve kuti izvi zvichiri kuitika asi vachitiwo nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemari munyika nyaya yekupa kana kutambira chiokomuhomwe yave kuitwa nedzimwe nzira dzisinganyatsooneka.

VaGodwin Phiri vanove mukuru wenhepfenyuro yeSkyz Metro vati ongororo yeVMCZ inoburitsa zvinhu zvakakosha zvakawanda zviri maererano nekutapwa kwenhau munyika, vachitiwo zvakakosha kuti vataori venhau vazvitarisise, vagadzirise zvinoda kugadziriswa, kuitira kuti veruzhinji vasarase chivimbo chavainacho navo.

VMCZ inoti yakaita ongororo iyi nechinangwa chekuona kuti ndezvipi zviri kuitwa nevatapi venhau zvakanaka nezvakaipa senzira yekusimudzira mabasa avo.
Ongororo iyi inotarisirwa kuparurwa zviri pamutemo munguva pfupi inotevera yanyatsokwenenzverwa.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG